Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inomirira Chiwundura Inomiswa Mudare Ichipomerwa Mhosva yeKurova Munhu


Livingstone Chimina
Livingstone Chimina

Mumiriri weChiwundura mudare reparamende, VaLivingstone Chimina, vanove zvekare sachigaro wevechidiki mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reMidlands South, vamiswa pamberi pedare muGweru nhasi vachipomerwa mhosva yekurova mumwe munhu.

VaChimina vamiswa mudare nevamwe vanhu vaviri vanoti Muzvare Leticia Muteliso naVaCharles Machaingira vachipomerwa mhosva yekurova VaThomas Moyo.

VaMachaingira mushandi wekanzuru yeGweru.

VaChimina naVaMachaingira vakabvunzurudzwa nemapurisa neChishanu paGweru Central Police Station ndokuzonzi vauye kudare asi Muzvare Muteliso vakarara muchitokisi.

Vatatu ava vanonzi vaive pakati pevamwe vanhu mazana maviri vari kunzi vakarova VaMoyo nemusi weChina paKudzanai Bus Terminus.

Gwaro remapurisa rinoratidza kuti VaMoyo nevamwe vaviri vanoti, VaOshea Mavhiki naMuzvare Rumbidzai Waungana, vakasvika paKudzanai Bus Terminus musi weChitatu vakazodzokerazve panzvimbo iyi musi weChina vachiti vaifanirwa kutora mitero kubva kuma bhazi nemakombi anopinda panzvimbo iyi.

Gwaro remapurisa iri rinotiwo nemusi weChina wekare pakauya mhomho yevanhu yakanangana naVaMoyo ichibvunza kuti vaive vapiwa nani mvumo yekutora mitero iyi uye mukusawirirana kwakazoitika pashure VaMoyo vakazorohwa nevamwe vevanhu ava, vakakwanisa kuwona vamhang’arirwi vatatu vari pakati pevanhu ava.

Gweta riri kumirira VaChimina naMuzvare Muteliso, VaWellington Davira, vaudza dare kuti Muzvare Muteliso vakatyorerwa kodzero dzavo nekurariswa muchitokisi vakatiwo zvinoshamisa kuti vaviri ava vari kupomerwa mhosva ivo vari ivo vakatanga kuenda kumapurisa kunomhang’arira VaMoyo vacho kuti zvavaive vachiita zvekutora mitero kubva kumakombi nemabhazi zvakange zvisiri pamutemo sezvo VaMoyo vasiri mushandi wekanzuru.

Mutongi wedare, Amai Beauty Dube, vabvunzawo muchuchisi wenyaya iyi, VaBernard Nyoni, kuti sei Muzvare Muteliso vakarariswa muchitokisi izvo zvisina kuitika kune vamwe vaviri vari kupomerwa mhosva imwe chete.

Muchuchisi Nyoni vati vachaongorora nyaya iyi.

VaDavira vatiwo zvinoshamisa kuti mapurisa aunza nyaya iyi kudare pasina humbowo hunobva kumadhokotera hunoratidza kuti VaMoyo vakarohwa sezvavari kutaura vakati vanoshushikana nemaitiro akadai sezvo achiratidza kuti mapurisa haana akuita basa rawo nemazvo.

Gweta riri kumirira VaMachingaira, VaShephered Mafa, vati maonero avo ndeekuti mapurisa akabata nyaya iyi aine divi raakarerekera.

Vati pavakamhang’arira VaMoyo kumapurisa, VaMachingaira vakaudzwa kunzi nyaya iyi yaive ine zvematongerwo enyika mukati vakatadza kunzwisisa kuti izvi zvairevei.

Mutongi wedare ati nyaya iyi ichaunzwa kudare rezvakare musi wa25 Ndira apo panotarisirwa kutarwa zuva rekutanga kutongwa kwayo vakatiwo vatatu ava vachauya kudare vachibva kumba pasina kubhadhariswa mari yechibatiso.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti VaChimina vakawanikwa vaine mhosva yavari kupomerwa vanogona kubvisiswa faindi, kana kukandwa mujeri kwemwedzi isingapfuure mitatu.

Izvi zvikaitika hazvivhiringi chigaro chaVaChimina muparamende sezvo mutemo uchiti munhu anobviswa pachigaro kana akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu kana kudarika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG