Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoshora Kukokwa kwaVaMuseveni naVaMnangagwa


FILE - Uganda's President Yoweri Museveni attends the World Economic Forum (WEF) annual meeting in Davos, Switzerland, Jan. 24, 2019.
FILE - Uganda's President Yoweri Museveni attends the World Economic Forum (WEF) annual meeting in Davos, Switzerland, Jan. 24, 2019.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakatsoropodza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nekukoka kwavakaita mutungamiri weUganda, VaYoweri Museveni, kuti vazovhura zviri pamutemo zviratidzwa zveZimbabwe International Trade Fair.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House nhasi, VaChamisa vakati hazvikodzere kuti VaMuseveni vazovhura zviri pamutemo zviratidzwa zveZITF vachiti VaMuseveni munhu anozivikanwa nekutyora kodzero dzezvizvarwa zvenyika yavo.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMuseveni kana ivo VaMuseveni pachavo avo vakapinda munyika neChitatu kuti vazovhura zviri pamutemo zviratidzwa zveZITF izvo zviri kuitirwa kuBulawayo.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vakati titaure nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, nezvenyaya iyi asi VaCharamba vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vari nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza, vakati VaMuseveni munhu ari kudiwa nevanhu vekunyika kwake, nokudaro vanhu vemuZimbabwe havakwanisi kupindira muzvinhu zvinodiwa nevanhu vedzimwe nyika.

VaChamisa vakatiwo vakazvipira kuita nhaurirano naVaMnangagwa kuitira kupedza gakava resarudzo dzegore rapera vachiti hurukuro dzavari kuita nevatungamiri vemamwe mapato madiki hadzina zvadzinobatsira.

Vakati nhaurirano pakati pavo naVaMnangagwa ndidzo chete dzinopedza matambudziko ekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika, kukwira kwemitengo yezvinhu pamwe nekushaikwa kwemafuta edzimotokari nemabasa munyika.

Kunyange hazvo VaMnangagwa vakakoka vose vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika kuti vapinde nhaurirano, VaChamisa vakaramba kupinda munhaurirano idzi vachiti nhaurirano idzi dzaifanira kutungamirwa namutongigava anoremekedzeka akafanana nemutungamiri weimwe nyika kana munhu akambove mutungamiri weimwe nyika.

VaChamisa vakatiwo bato ravo rakatambira tsamba inonzi yakanyorwa nemunyori mukuru mubato ravo VaDouglas Mwonzora vachinyorera vakuru vakuru vemapurisa, vasori nemauto vachiti nhengo dzeMDC pamwe nehutungamiri hwebato iri ndihwo hwakakonzera kuratidzira kwakaitika munyika muna Ndira.

VaChamisa vakati tsamba iyi haina kunyorwa naVaMwonzora asi nevanhu vane chinangwa chekutsvaga kuti mubato ravo musagadzikane.

Asi VaKhaya Moyo vakaudza Studio7 parunhare kuti sebato reZanu PF havanei nezviri kuitika muMDC vachiti vane basa guru rekugadzirisa hupfumi hwenyika nekuzadzisa zvavakavimbisa veruzhinji pavaitsvaga rustigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera.

Vachipindura mubvunzo wemumwe mutori panyaya yekunzi vari kudyidzana nevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaChamisa vakati havasarudze vatsigiri vavo vachiti havasati vambosangana naVaMugabe kubva pavakabviswa pachigaro.

Vakatiwo vanotovewo neshungu dzekusangana semunhu aimbove mutungamiri wenyika asi havasati vawana mukana wacho.

Mashoko ekuti VaChamisa vari kudyidzana naVaMugabe anga ava kukonzera kusawirirana mu MDC vamwe vachiti VaMugabe munhu akaurayisa nhengo dzebato iri munguva yavaive mutungamiri wenyika, pamwe nezvakaitika munguva yeGukurahundi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG