Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Gore Rino Bato Ravo Richaratidzira Zvakanyanya


Zimbabwe Opposition Gathering
Zimbabwe Opposition Gathering

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vati gore rino richave gore rekuratidzira zvakasimba munyika uye vapomera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekukonzera kuti pasave nenhaurirano pakati peZanu PF nebato ravo reMDC.

VaChamisa vataura mashoko aya pakuparura kwavaita hurongwa hwebato ravo hwegore rino muHarare nhasi.

Vachitaura pamberi pevatsigiri vavo mumusha weMbare muHarare pavanga vachiparura hurongwa hwebato ravo hwegore rino, VaChamisa vati ruzhinji rweZimbabwe rwanyanya kutambudzika nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika uye havasi kufara nekubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo dzemuna 2018.

Vatiwo kushandurwa kuri kuda kuitwa bumbiro remitemo yenyika neZanu PF pamwe nekusachengetedzeka kweveruzhinji kuburikidza nevanhu vari kufamba vachitema vanhu nemabhemba avo vari kudaidzwa kuti maShurugwi, zvimwe zvezvinhu zviri kushungurudza veruzhinji.

VaChamisa vati gore rino richave gore rekuratidzira kwakakomba munyika vachiti veruzhinji havangarambe vachinhonga svosve nemuromo, VaMnangagwa nebato ravo vasina matanho avari kutora kugadzirisa zviri kunetsa munyika. Vati kuratidzira uku kuchaitwa murunyararo.

Kunyange hazvo tisina kukwanisa kutaura naVaMnangagwa pamusoro pezvataurwa naVaChamisa nhasi, VaMnangagwa vakaudza musangano wepagore webato ravo wakaitirwa kuGoromonzi muna Zvita kuti kuratidzira kweveruzhinji sekwakaitwa gore rapera hakusi kuzofa kwakabvumidzwa kuitwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vati MDC inogona kuratidzira asi hurumende inogona kushandisa chisimba kutadzisa kurataidzira uku

VaChamisa vapomerawo VaMnangagwa mhosva yekutadzisa kuti pave nenhaurirano pakati peMDC neZanu PF.

Vati havasi kuzopinda munhaurirano dziri kuitwa pasi pechirongwa chePolitical Actors Dialogue, kana kuti Polad, vachiti nhaurirano dziri pasi pechirongwa ichi idambavanana.

Vatiwo vanoda kuti vari muchiuto, avo vanozivikanwa nekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika zvakazokonzeresa kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa, vange varimowo mukati menhaurirano idzi.

VaChamisa vati vakatuma vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, nezvanoda kuti zvitaurwe panhaurirano asi nanhasi VaMnangagwa vakangoti mwii.

Asi VaMudzengi vati semaonero avo chiri kudiwa neZanu PF inhaurirano dziri pasi pePolad chete.

Vamwe vanga vari pamusangano uyu vakaita saAmai Ethrida Chidavaenzi avo vati vabva kuChitungwiza kuti vazonzwa VaChamisa vachivapakurira hurongwa hwavo hwegore rino, vati mashoko aVaChamisa ekuratidzira nenhaurirano ndiwo avanga vakatarisira kunzwa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe pamire bato ravo pane zvataurwa naVaChamisa sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi VaMnangagwa vakambotaura kuti vakazvipira kuti mapato ese apinde munhaurirano pasi pechirongwa chePolad.

Zvichakadai, VaChamisa vakumbirawo nyika dzekunze kuti dzibatsire Zimbabwe nezvekudya sezvo veruzhinji vakatarisana nenzara inotyisa.

Vatiwo nhengo dzavo dziri mumakanzuru nemuparamende dziri kuita huori dzichabviswa pazvigaro uye vakurudzira hurumende yeZanu PF kuti imire pachokwadi panyaya yekurwisa huori munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG