Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanotadza Kuenda Kunodyara Miti kuEpworth


MDC Cleanup Epworth2
MDC Cleanup Epworth2

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanonzi vatadza kudyara miti mumusha weEpworth sezvavanga vakaronga sezvo mapurisa afumira kuzara panzvimbo iyi.

Asi nhengo dzeMDC dzakwanisa kutsvaira muEpworth makare muchirongwa chekuchenesa maguta chavari kudaidza kuti Tsvaira Zimbabwe.

VaChamisa, avo vanga vachifanira kutsvaira pamwe chete nenhengo dzebato ravo pamwe nekuzodyara miti pane chimwe chikoro muEpworth, vanonzi vatadza kuuya sezvo mapurisa anga aine zvombo achinzi afumobata jongwe muromo ndokusosera panga pachida kudyarwa miti naVaChamisa.

Munyori mukuru muMDC, VaCharlton Hwende, vaudza vatori venhau kuti kuzadzwa kwaitwa mapurisa muEpworth ndiko kwaita kuti vasauye pachiitiko ichi.

Sachigaro weEpworth Local Board, VaBatanai Masunda, vatsinhirawo zvataurwa naVaHwende.

Motokari dzemapurisa anga aine zvombo dzaswerawo dzichitenderera muEpworth uye mapurisa epaEpworth Police Station ati titaure nevakuru vavo kuHarare.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati tigovafonera asi pataenda pamhepo tanga tisati takwanisa kutaura navo

VaHwende vaudza vanhu vanga vachitsvaira muEpworth ava kuti bato ravo rinotarisira kuti makanzuru ose aite basa nemazvo sezvo makanzura ebato ravo ariwo akasarudzwa neveruzhinji.

Asi VaMasunda vati kanzuru yavo iri kutadza kutakura marara sezvo mafuta edzimotokari asiri kuwanikwa nyore uye vagari zvazhinji vemuEpworth vari kutadza kubhadhara mitero yavo kukanzuru kuburikidza nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Mumwe mugari wemuEpworth, VaJealous Jacob, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vazhinji vavo vasina mari yekubhadhara mitero kukanzuru kuti igokwanisa kuchenesa nharaunda yavo, zvinhu zvakaita sekutsvaira hazvidi mari kuti zviitwe.

MDC inoti kubva zvino zvichienda mberi nhengo dzayo dzichange dzichitsvaira munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yose Chishanu chekutanga chemwedzi wogawoga senzira yekuti nyika igare yakashambidzika.

Murongi wemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya, vati nhengo dzavo dzinofanira kushandisa mikana yekuungana uku kuita zvinhu zvinoita kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nebato ravo vabve mumasimba ehutongi zvinosanganisira kuratidzira.

Asi mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio 7 parunhare kuti zvose zvichaitwa neMDC zvinofanira kunge zviri zvinhu zviri pamurawu vachiti vanochengetedza mutemo havazoregedze kuita basa ravo kana mutemo wenyika uchityorwa.

Nekune rumwe rutivi, VaMnangagwa vakati hurumende yavo haisi kuzoregedza veruzhinji vachiratidzira zvine mhirizhonga zvinoita kuti vanhu vafe uye vamwe varasikirwe nemidziyo yavo sezvakaitika gore rapera.

Apa nhengo dzeMDC dzanga dziri muEpworth dzichitsvaira, VaMnangagwa vanga vachitungamirawo kutsvaira panzvimbo yemabhizimusi yeMpandawana kwaGutu.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe mafambiro aita zvinhu kwaGutu kwakare, mumashoko avaisa padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati VaMnangagwa vatambirwa zvine mutsindo nevatsigiri vavo kwaGutu.

VaMnangagwa vane hurongwa hwekuchenesa nzvimbo munyika hwavanoita Chishanu chekutanga mwedzi wega wega.

Dunhu reZanu PF reMasvingo rinonzi rakurudzira kuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri waro nevamwe vavo muZanu PF nehurumende yeAmerica zvibviswe.

America yakawedzera zvirango izvi kwerimwe gore ichiti vatungamiri veZimbabwe ava vagadzirise maitiro avo munyaya dzekodzero dzevanhu, kuremekedzwa kwemitemo yenyika pamwe nekupedza huori.

Zvirango izvi zvichaongororwa zvakare mwedzi uno gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG