Accessibility links

Breaking News

MDC yaVaTsvangirai Yoendesa Nyaya yeMhirizhonga kuVakuru muHurumende


MDC inotungmirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yaendesa nyaya yemhirizhonga kuvatungamiri vemapato ari muhurumende kuti vazeye zviri kuitika.

Vatungamiri vemapato ari muhurumende vanoti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaWelshman Ncube.

MDC yaVaTsvangirai inoti vatsigiri vayo vari kusungwa zvisiri pamutemo, kutorwa nechisimba, zvikuru kuMatebeleland North, pamwe netemerwa mahofisi aya sezvakaitika pa Harvest House svondo rapera.

Kurwadziswa kwenhengo dzeMDC kunonzi kuri kuitika mumatunhu akawanda munyika.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, Muzvare Tabitha Khumalo, vanoti vanoda kuti vatungamiri vemapato vagare pasi vogadzirisa nyaya iyi sezvakabvumiranwa muchibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa.

Muzvare Khumalo vanotiwo izvi zvinofanirwa kusvitswa kunhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, idzo dziri munyika pari zvino.

XS
SM
MD
LG