Bato reMDC rinotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, riri kushora zvikuru bato reZanu-PF richiti rave kukanganisa kuvandudzwa kwemitemo yakawanda inoita kuti munyika muve nehutongo hwejekerere.
Bato iri rinoti Zanu-PF iri kuda kumisa paramende kuita basa rayo zviri pamutemo. Nhengo dzeparamende dzeZanu-PF dzakasangana neChitatu dzikawirirana kuti hadzichada kuti dare reparamende rizeye mabhiri akaita serekuvandudzwa kwemitemo yakaita sePublic Order and Security Act, POSA, Electoral Ammendement Bill, pamwe ne Human Rights Bill, sezvo kuita izvi kuri kutyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement.
Zanu-PF inoti makurukota chete ndiwo anokwanisa kuzeya nyaya iyi dare reparamende rongozvitambira pasina hurukuro.
Bato iri rinotiwo harisi kuzotambira mudare reparamende mabhiri anenge aunzwa nenhengo dzedare reparamende.
Munyori anooona nezvemitemo muZanu-PF, VaEmmerson Mnangagwa, varizve gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, ndivo vanzi nebato reZanu-PF vaende kunosuma mutauriri wedare reparamende, VaLovemore Moyo, nezvedanho ratorwa nebato ravo.
Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, pamwe nemukokeri webato iri muparamende, VaJoram Gumbo.
Asi nhengo yeZanu-PF inomirira Mwenezi East, VaKudakwashe Bhasikiti, avo vakange vari mudare renhengo dzebato ravo chete vanoti zvavari kuita zviri pamutemo
Asi vanokokera MDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti zviri kutaurwa neZanu-PF hazvina maturo ose.
Gweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Belinda Chinowawa, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti mashoko eZanu-PF ndeekuda kutadzisa nyika kufambira mberi.