Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Zanu-PF Yotanga Mabasa eKushungurudza Nhengo Dzayo


Nhengo yeMDC inomirira Marondera Central murapamende, VaIan Kay, vakatorwa neChishanu nemapurisa ayo anoti ainge achitsvaga zvinodhaka, pfuti uye mishonga yange yapfuura mazuva ainofanira kupihwa varwere.

Mapurisa aya akafumira kumba kwaVaKay kuBorrowdale muHarare vachibva vatanga kusecha imba yose. Vakazotakura VaKay kuenda navo kuHarare Central Police Station, uye zvinonzi vachaendeswa kwaMutoko uko kunonzi vakaendesawo mimwe mishonga yange yapfuura nguva yakatarwa.

Mishonga iyi yakapihwa makirinika ari kuMarondera uyekwaMutoko.Mudzimai waVaKay, Amai Kerry Kay, vanoti hapana chakaipa pamishonga iyi iyo vanoti yakapihwa vakay nemasangano emachechi ekuAmerica kuti vabatsire zvipatara zvemuZimbabwe zvisina mishonga.

Imwezve nhengo yeMDC, VaMarvellous Khumalo, vanonzi vakarohwa neChina kuNew Ambassador Hotel muHarare nevatsigiri veZanu-PF kusanganisira, VaTongai Kasukuwere, munin’ina wegurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere.

VaKhumalo vakaudza Studio 7 kuti vakarohwa pamusangano wainge wakokerwa nesangano reYouth Agenda Trust mushure mekunge vati zvirango zvikuru zvakatemerwa nyika iZanu-PF nemutungamiri webato iri VaRobert Mugabe. Vechidiki veZanu-PF vanoti uku kutuka VaMugabe.

Hatina kukwanisa kubata VaTongai Kasukuwere nevamwe vavo kuti tinzwe divi ravo. Tabata mutauriri wemdc, vanelson chamisa, kuti tinzwe zvizere nezvekusungwa kwavakay.

XS
SM
MD
LG