Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Vanhu Ngavarambe Kutsikirirwa neMapurisa


Bato reMDC rinotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rakurudzira vanhu kuti varambe zviri kuda kuitwa nemapurisa zvekutonga nyika sezvinoitwa muchiuto.

Izvi zvinotevera kusungwa uye kurambidzwa kuri kuitwa misangano yevanopikisa Zanu-PF nemapurisa.

VaTsvangirai nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vakaita musangano neMuvhuro vakawirirana kuti misangano yebato re MDC inofanira kuenderera mberi sezvo nyika isina mhandu dzingade kuipidigura.

Asi izvi zvinonzi hazvisi kutevedzdwa. NeChipiri, mukuru wemapurisa, Police Commissioner General Augustine Chihuri, avo vanonzi ndivo vari kuomesa musoro, vanonzi vakatumira mashoko kumatunhu ose vachiudza mapurisa ose kuti hapana musangano unofanirwa kumiswa.

Rimwe remakurukota ezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, Amai Theressa Makone, vanoti zvekumiswa kwemisangano zvamboregwa.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vari sachigaro weNCA, Professor Lovemore Madhuku, vanoti mutemo haupe makurukota ezvekuchengetedzwa kwemapurisa masimba.

XS
SM
MD
LG