Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti VaMugabe Votadza Kudzora Vakuru veMauto neMapurisa


Bato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti mutungamiri, wenyika VaRobert Mugabe, havachisina simba rekudzora vakuru vemauto nemapurisa avo voita havo madiro ajojina munyika.

VaTsvangirai vanoti nemamiriro aita zvinhu munyika, chingapedze chete matambudziko ari muhurumende yemubatanidzwa kuenda kusarudzo dzinotungamirwa neSADC.

Vachitaura nevatsigiri vavo kuBulawayo neSvondo, VaTsvangirai vakatiwo dzmiwe nhinhi dziri muchiuto dziri kutadzisa vanhu vakasarudzwa nevanhu zviri pamutemo kuti vaite basa ravo zvakanaka.

VaTsvangirai vakatsinhirawo kuti SADC, African Union nenyika dzepasi rose hadzifaniri kurega munyika muchiitwa sarudzo dzisina kuchena uye dzine ropa sedza 2008.

Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dziri kutarisirwa kupinda munyika kutanga kwaChikunguru.

MDC-T inoti ichasimbisa zvikuru nyaya yesarudzo kuitira kuti pasaite bato rinobiridzira.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zviri pachena kuti VaMugabe vakundikana kudzoreredza vakuru vemauto nemapurisa.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanhu veMDC-T vanotaura zvemanyepo.

XS
SM
MD
LG