Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti VaMudenda Vave Kuzvidza Dare neKuramba Kuti VaBiti neVamwe Vavo Vdzoke muParamende


VaJacob Mudenda

Kunyangwe hazvo muna Kubvumbi dare repamusoro reHigh Court rakati kudzingwa mudare reparamende kwemutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vanomirira Harare East, nevamwe vavo kwaisava pamutemo, vatanhatu ava havasati vadzokera kunomirira vakavasarudza sezvo kunetsa kuri kuenderera mberi pakati pavo nemutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda.

VaMudenda vaudza Studio 7 kuti itaure nemunyori mukuru wematare kana kuti Registrar of the High Court VaDonald Ndirowei avo tisina kukwanisa kubata.

Vakadzinga mudare reparamende muna Kurume naVaBiti vanoti; VaWillias Madzimure (Kambuzuma), VaSettlement Chikwinya (Mbizo), VaKucaca Ivumile Phulu (Nkulumane), VaSichelesile Mahlangu (Pumula), uye VaRegai Tsunga (Mutasa South).

VaMudenda vakavadzinga vachiti vainge vanyorerwa tsamba naVaBenjamin Rukanda vaizviti ndivo munyori mukuru webato rePDP.

Asi dare repamusoro rakapa mutongo wekuti VaRukanda vainge vasina simba rekuvadzinga sezvo vainge vasiri nhengo yebato rePDP raVaBiti vasati vapinda mumubatanidzwa weMDC Alliance.

Nhengo dzedare repamamende dzeMDC Alliance dzinosvika makumi mana nesere nemakanzura makumi masere dzakadzingwa neMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora dzichinzi dzainge dzabuda mubato.

Izvi zvasiya vakawanda vasina vanovamiririra sezvo painewo dzimwe nhengo dzakashaya asi sarudzo dzakamiswa gore rapera nehurumende ichiti iri kurwisa chirwere cheCovid-19 kunyangwe nyika dzakawanda muAfrica dziri kuita sarudzo.

Mutauriri waVaBiti nevamwe vavo panyaya iyi vari gweta zvekare VaJacob Mafume vanoti vachadzokera kumatare sezvo vari kuona sekuti VaMudenda vave kuzvidza dare.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG