Accessibility links

MDC-T Inoti VaChihuri naVaChiwenga Ngavasiye Basa

  • Blessing Zulu

Bato reMDC-T rinoti mutungamiri wemauto, General Constantine Chiwenga, naPolice Comissioner General, VaAugustine Chihuri, vanofanira kusiya basa nekuti zvekuyedza kuti vaviri ava vatendeuke zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

Komiti huru inoona nezvekufambiswa kwezvinhu mubato iri, kana kuti Standing Committee, yakasangana muHarare neChitatu ikati ichanyora tsamba kuSADC neku AU ichikurudzira masangano aya kuti abatsire mukumanikidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vati vaviri ava, VaChihuri naVaChiwenga, vaende pamudyandigere.

Gore rega rega, VaMugabe vanowedzera negore nguva yekuti VaChihuri naVaChiwenga varambe vari pabasa. MDC-T inoti yatora danho iri mushure mekunge VaChihuri vanyora tsamba kubato iri vachiriti nderezvimbwasungata uye harifi rakatonga.

Izvi zvinotvera tsamba yainge yanyorwa nemunyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, kuna VaChihuri vachigunun’una nemashoko avo ekuti vaiti bato iri rinoshandiswa nevarungu. Vakuru vemapurisa nemauto mazuva apera vange vachitaura mashoko ekunyomba vatungamiri veMDC-T.

Mutauriri weMD-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mabatirwo ebasa naVaChihuri ave kuvafuratidza moyo nekudaro vanofanira kuti vaende pamudyandigere pamwe naVaChiwenga.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vati bato ravo harishande nevemauto kana mapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongwerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti zviri kudiwa neMDC zvinonetsa kuti zvizadzikiswe.

XS
SM
MD
LG