Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti SADC Ngaipindire Sezvo VaZuma Voremerwa neMutoro.


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kusawirirana kuri kuitika munhaurirano dzehurumende yemubatanidzwa, kunofanirwa kuchiendeswa kuSADC.

VaTsvangirai vanoti zviri pachena kuti mutongi gava pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vaedza pavanokwanisa napo pasina chiri kufamba.

Mutungamiri weSouth Africa akanga ari munyika mbune masvondo mashoma apfuura achiedza kuti mapato ari muhurumende agadzirise zviri kunetsa.

VaTsvangirai vanoti zvinhu zvagara zvichinetsa muhurumende kwegore rese, zvichiri kuramba zvichingonetsa munhaurirano dziri kuramba kupera.

Vatiwo hazvina musoro kuti nyika itadziswe kufambira mberi nevanhu vashoma vari kuvhiringidza mushandira pamwe uri muhurumende.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudzawo nepfenyuro yeSABC kuti bato ravo raneta nekusavimbika kweZanu-PF, nekudaro rave kuda kuti SADC neAfrican Union dzichipindira kuitira kuti nhaurirano dzisarambe dzichiita swera kuvhiya.

Nhumwa dzaVaZuma dzanga dziri muZimbabwe dzinoti dzichiri kuda kuti nhaurirano idzi dzienderere mberi svondo rinouya.

Vari munhaurirano vanonziwo vakapedza neChishau kunyora gwaro riri kudiwa naVaZuma, kuti vazonoritura kuna sachigaro weSADC Troika, VaArmando Guebuzza.

Asi vari munhaurirano idzi vanoti vaita mangange panyaya dzagavhuna webhanga guru renyika, muchuchusi mukuru wehurumende, uye nyaya dzemagavhuna ematunhu.

VaPhillan Zamchiya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiita zvidzidzo zvepamusorosoro paOxford University ku Britain.

VaZamchiya vanoti VaZuma havafanire kurega VaMugabe vachiita madiro ajojina.

XS
SM
MD
LG