Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Nhengo Dzayo Ina Dzakapambwa paMbare


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti nhengo dzaro ina dzekuChikomba, kuChivhu, mudunhu reMashonaland East, dzakapambwa neMuvhuro mangwanani paMbare Musika nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Nhengo ina idzi, idzo dzinoti Amai Anna Peresu, Amai Remita Motiwa, VaTimothy Mugari pamwe nevanzi vanonzi VaTaruvinga, vanove sachigaro wevechidiki muChikomba, vanzi vakapambwa vachida kukwira mabhazi ekudzokera kuChivhu vachibva kukongiresi yebato ravo yakaitirwa kuBulawayo mukupera kwesvondo.

MDC inoti nhengo dzayo dzakawanda mumusha weMbare dzakashungurudzwa nemusi weSvondo nechikwata cheZanu PF chinozivikanwa nerekuti Chipangano.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakashoropodza mhirizhonga mazuva mashona apfuura, asi bato reZanu PF rinonzi harisi kusiyana netsika yaro yemhirizhonga.

Mapurisa anonziwo haana matanho aari kutora panyaya dzemhirizhonga dzinenge dzamhang’arwa neMDC.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi remapurisa, sezvo nharembozha dzevatauriri vemapurisa dzanga dzisingadairwi.

Sachigaro weMDC mudunhu reChikomba, VaAnthony Mutodza, vaudza Studio7 kuti nhengo dzebato ravo dzakazivikanwa sezvo dzakanga dzakapfeka mbatya dzeMDC.

Mune imwewo nyaya, misha gumi yenhengo dzeMDC inonzi yakapiswa nevanhu vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF mukupera kwesvondo.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo nhengo dzeMDC dzaive kukongiresi yebato iri yakaitirwa muBulawayo.

Mhuri dzakawanda dzinonzi dzava kugara musangano dzichitya kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF.

XS
SM
MD
LG