Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Nhengo Dzayo Dziri Kusungwa, Uku Vamwe Vachiti VaMnangagwa Varambidzwe Kuenda kuSwitzerland


Masagano akawanda munyika nekunze ari kushora zvikuru zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe zvekushadisa mauto nemapurisa kumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Bato reMDC riri kuchema chema kuti nhengo dzaro dziri kusungwa nekuendeswa kumatare zvechimbi chimbi pasina kupa magweta avo mukana wekunyatsogadzirira.

Mutauriri webato reMDC VaJacob Mafume vanoti vamwe vasungwa vanosanganisa muokeri wemabasa mubato ravo VaAmos Chibaya vanomirira Mkoba mudare reparamende uye VaSettlement Chikwinya vanomirirawo Mbizo mudare iri.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riise chikumbiro kusangano reEuropean Union ne Switzerland kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kutarisirwa kuenda kumusangano weWorld Economic Forum kuDavos, Switerland varambidzwe kuenda kunyika iyi kusvika vagadzirisa zviri kunetsa munyika iyi.

Bazi reUnited Nations rinoona nezvekodzero dzevanhu rine muzinda kuGeneva rashora zvikuru zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe rikati zvekutyora kodzero dzevanhu zvinofanira kumira.

Sangano reInternational Monetary Fund raburitsawo mashoko richiti harione Zimbabwe ichikwanisa kuwana rubatsiro kubva kune dzimwe nyika nekutadza kubhadhara zvikwereti uye vati mhirizhonga iri munyika inoda kupedzwa kuti munyika muve nekugadzikana kana ichida kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vanokokera sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica VaBlessing Vava vanoti sangano ravo ranyora tsamba kuSwiterland kuti VaMnangagwa varambidzwe kuenda kuDavos kana vasati vagadzirisa nyaya iri kunetsa munyika yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Hurukueo naVaBlessing Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvekunuritswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa avo vati vange vari mumusangano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG