Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti muChitungwiza Muchiri Makaberekera Ingwe


Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo muChitungwiza umo makasungwa vechidiki veMDC gumi nemumwe nezuro mushure mekunge mapurisa afumobata jongwe muromo akananga kumba kwemumiriri weZengeza West VaJob Sikhala vebato reMDC.

Vechidiki veMDC vakasungwa vachinzi vainge vakonzera mhirizhonga. Asi veMDC vanoti vanhu vakakonzera kusagadzikana muChitungwiza ndevesangano reZimbabwe Concerned Citizens Forum avo vari kunzi neMDC inhengo dzeZanu-PF vachishanda nevasori kuda kuvhiringidza bato iri.

VaSikhala vanoti mapurisa achiri kumbeya mbeya muChitungwiza uye vati vechidiki vakasungwa ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana. Vatiwo mapurisa anofanira kusunga veZimbabwe Concerned Citizens Forum sezvo vari ivo vakatanga musindo.

Asi vanokokera mabasa musangano reZimbabwe Concerned Citizens Forum VaTaurai Kandishaya vanoti vainge vaine hurongwa hwekuenda kumba kwemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, mutevedzeri wavo VaTendai Biti uye VaSikhala vachiti ndivo vakakokera zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri venyika neAmerica neEU.

VaBiti vatiwo vamwe vanozviti Zimbabwe Concerned Citizens Forum ava vaswera vachitenderera pamba pavo nhasi zvekare.

Varambawo kuti ndivo vakakoka zvirango vachiti havana simba rekudza America kana EU zvekuita.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vachiti kuferefeta nyaya yekuti pane vari kuda kunovaka misasa padzimba dzevatungamiri vebato reMDC ava.

Asi mutevedzeri webato reMDC VaLuke Tamborinyoka vanoti bato ravo riri kubatwa semubvandiripo nehurumende.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti hapana anorambidzwa kuratidzira kana aine mvumo yemapurisa.

VaSikhala vayambirawo vari kuvashungurudza kuti kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri vehurumende vakatemerwa zvirango neAmerica nedzimwe nyika vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Asi ivo vanoti zvirango zvakatemerwa mushure mekunge vatora minda kubva kuvachena vachipa vatema.

Svondo rino mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutarisirwa kuwedzera negore zvirango zvakatemerwaVaMnangagwa nevamwe vavo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG