Kunyange hazvo papera mazuva gumi nematanhatu kubva zvapera musangano weSADC, uyo wakati mimwe misariridzwa iri muhurumende yemubatanidzwa munyika igadziriswe mukati memwedzi, kusvika pari zvino hapana chati chafamba asi kunetsana kuri kuenderera mberi zvakatonyanya.
MDC yakanyora tsamba kuSADC svondo rapera ichigunun’una kuti SADC summit yakaitwa kuNamibia, haina kunyatsobata nyaya yeZimbabwe zvakanaka nekuti pane zvakawanda zvakasiiwa muzvisungo zveSADC Summit Communique pazvinhu zvainge zvatenderanwa mumusangano wakaitwa neSADC Troika.
Asi munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vaudza Studio7 kuti zviri kutaurwa neMDC hazvina maturo nekuti SADC Summit yaisava yeZimbabwe chete, asi kuti nyika dzose dzesangano iri. Vati zvisungo zveSADC hazvaifanira kubva zvanyanyobata Zimbabwe chete, sezviri kudiwa neMDC.
Asi vavimbisa kuti vachaona kuti zvisungo zveSADC Troika zvazadzikiswa. Kunyange MDC iri kuti yakanyora tsamba iyi, VaSalomao vanoti havasati vaiona.
Nekusajeka kwemamiriro ezvinhu, veZanu-PF vave kuramba kuzadzikisa zvinhu zvakatenderanwa vachiti vari kuda kuti zvirango zvitange zvabviswa.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vachiri vakamirira mhinduro kubva kuSADC uye zvakatenderana kuti zvigadziriswe, zvinofanirwa kugadziriswa.