Accessibility links

Breaking News

MDC Yofunga Kukumbira SADC Kuti Ipindire paNyaya yeMinda


Vashandi vemupurazi vanosvika zviuru makumi matanhatu havachina pekugara nenyaya yehondo yeminda.

Bato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti hurumende yemubatanidzwa ikatadza kugadzirisa nyaya yekutorwa patsva kweminda, ichakwidza gakava iri kuSADC zvakare kuti iiswe pamisariridzwa yezviri kunetsa, izvo zviri kuyedza kugadziriswa neSADC.

Nyaya yekugadzirisa misariridzwa iyi iri kutarisira kutanga zvakare musi wa16 Ndira.

Mumapurazi mazhinji munonzi maberekera ingwe nevanofungidzirwa kuti vakuru vebato reZanu-PF, vechidiki vebato iri, mauto uye mapurisa vari kudzinga varimi vachena vashoma vasara vangangosvika zana nemakumi mashanu.

Vashandi vanodarika zviuru makumi matanhatu vanonzi havachina pekugara, kana chouviri, nenyaya yekutorwa kweminda iyi.

Sangano reJOMIC rinonzi rakamboedza kupindira, asi veZanu-PF vari kutsika madziro vachiti hapana kudzokera kumashure panyaya yekutorwa kweminda.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaNelson Chamisa vanoti nyaya yekuramba minda yotorwa iri kuvhiringidza vanoda kuvamba mabhizimisi munyika.

Gurukota rinoshanda muhofisi yemutungamiri wenyika, VaDidymus Mutasa, vanoti MDC kana ichida kuenda kuSADC yakasununguka kuita izvi, asi hapana chinobuda nokuti Zanu PF haisi kuzodzokera shure panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG