Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Ine Humbowo Hwevanhu Vasiko asi Vakavhota Vachinzi Masoja


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rakafukunura humbowo hwekuti vanhu vanosvika mazana mashanu vakavhota vachinzi mauto mudunhu reMasvingo musarudzo dzegore rapera.

Bato iri rinoti pavanhu mazana mashanu ava, vamwe vainzi vane makore zana nemakumi maviri ekuberekwa, uye vanonzi vakavhota vari pane imwe kamba yemauto iri muMasvingo makare. Humbowo uhu hunonzi hunoratidza kuti vamwe vevanhu ava vakazvarwa mugore ra1887.

Vamwewo vevanhu ava vanonzi havasi vagary vemuMasvingo, izvo zviri kutyirwa kuti chitsotsi ichi chinogona kunge chakashandiswa mumatunhu akawanda emunyika.

Munyori webato iri mudunhu reMasvingo, uye vachimirira Masvingo Urban muparamende, VaTongai Matutu vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vakakunda musarudzo dzemudunhu iri, izvi zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mynyaya dzegwaro revavhoti. Vatiwo vakatokwidza nyaya iyi kudare reparamende kuti iongororwe.

XS
SM
MD
LG