Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inochema VaGasela neVamwe Vavo


Bato reMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara rinoti hapana hurongwa hwati hwavapo pakuradzikwa kwevatungamiri vebato iri vatatu, avo vakashaya mutsaona yemotokari mumugwagwa weZvishavane-Gweru manheru eMugovera.

Bato iri rinoti hama dzevafi dzichiri kumirira vana venhengo dzakashaya idzi vari kunze kwenyika.

Vakashaya mutsaona iyi munyori wezvekurima mubato, uye vari mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaRenson Gasela, sachigaro wekomiti yezvekutevedzwa kwemitemo yebato, VaLyson Mlambo, pamwe nasachigaro wezvemadzimai mudunhu reMidlands South, Amai Ntombizodzwa Gumbo.

Vamwe vatanhatu vanonzi vakakuwara, vatatu vavo zvakaipisisa, uye vari kurapwa vari kuBulawayo United Hospitals.

Mutauriri webato iri, VaEdwin Mushoriwa, vaudza Studio7 kuti bato ravo riri kubatana nemhuri dzevafi ava mukubatsira nezvose zvinodiwa, kuitira kurerutsa mutoro.

Mune imwewo nyaya, imwe nhengo yeZanu PF Central Committee, uye vari nhengo yeAnti-Corruption Commission, Amai Alice Nkomo, vakashayawo mutsaona yemotokari musi weMugovera wakare.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio7 kuti Amai Nkomo vakashaya pamwe nevamwe vaviri mushure mekunge motokari yavo yaroverwa necheparutivi neimwe motokari.

XS
SM
MD
LG