Accessibility links

Breaking News

MDC Inoramba Kutambira Zvakataurwa naVaMnangagwa


Bato reMDC rashora zvikuru mashoko egurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, uye vari munyori wezvemitemo muZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti Zanu-PF haisi kuzorega MDC ichivhota kana ikahwina musarudzo nekuti kungava kudzosera nyika kuvachena.

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangangwa vakataura mashoko aya neChishanu kwaChivi pamusangano webato ravo. Vakatiwo MDC inoshandiswa nevachena izvo zvisingafadzi bato ravo reZanu PF.

Mashoko akadai akambotaurwawo muna 2002 nevaive mukuru wemauto, mushakabvu Vitalis Zvinavashe. VaMnangagwa varamba kutaura nezvenyaya iyi, vachiti Studio7 ngaiende kugehena. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti bato ravo rapererwa nepfungwa.

XS
SM
MD
LG