Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Zanu PF Iri Kuvaka Makamba eKushungurudzira Vanhu kuNyanga


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti Zanu PF yakaisa mabhesi mudunhu reNyanga South, kuManicaland, kuitira kuti ityisidzire vanhu panguva yekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yaenyika.

Mugwaro raburitswa neMDC, bato iri riri kupomera Zanu PF mhosva yekuisa mabhesi munzvimbo dzinoti Ward 15 Dende, Ward 16, Ruchera, Ward 19, neCountry Club.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, varamba mashoko aya, vachiti chakaitwa chete nebato ravo kuumba makomiti anodzidzisa vanhu pamwe nekunzwa zvinenge zvabva muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva uhu.

XS
SM
MD
LG