Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeMDC Inotanga Zvine Mutsindo muGweru


MDC CONGRESS GWERU 1
MDC CONGRESS GWERU 1

Kongiresi yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yatanga zvine mutsindo muGweru vatsigiri vebato iri vachitsvukisa nhandare yeAscot yose nezvipfeko zvebato pamwe nezvevanhu vari kukwikwidzana pakongires iyi.

Nhandare yeAscot yaswera yakatsvuka kuti piriviri nembatya dzanga dzakapfekwa nevatsigiri veMDC avo vatanga kuungana munhandare iyi nhasi mangwanani vachigadzirira kutanga kuita sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hutsva hwemapoka evechidiki nemadzimai, uye hutungamiri hweNational Standing Committee mangwana.

Murongi wemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya, avo vari kukwikwidzawo mangwana pachigaro chavanacho pari zvino, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti zvose zvichafamba zvakanaka.

Vakawanda vari kutarisa nemaziso matsvuku pasarudzo dzekutsvaga vatevedzeri vatatu vemutungamiri webato, apo madzimai matatu anoti Amai Lynette Karenyi, Amai Lillian Timveos pamwe naAmai Tracy Mutinhiri, vachakwesana pachinzvimbo chakachengeterwa madzimai chete.

Vatsigiri vaAmai Karenyi Kore vamboimba pasvika gamba ravo muAscot stadium.

Amai Karenyi Kore, avo vange vari sachigaro wemadzimai akasarudzwa pakongiresi yakaitwa muHarare muna 2014, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kukunda.

Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Timveos kuti tinzwe kuti sarudzo yemangwana vanoiona seyi.

Asi vatsigiri vaAmai Timveos vaimba zvine mutsindo vachiratidza kuti vari kuda kuti Amai Timveos vasarudzwe semutevedzeri wemutungamiri webato.

Mumwe mutsigiri waAmai Timveos audza Studio 7 kuti nekuda kwekuzvipira kwavo mukushandira musangano pamwe nekuve nemutsa, Amai Timveos vanofanirwa kukunda.

Zvimwe zvigaro zvevatevedzeri vemutungamiri webato zviri kukwikwidzwa naVaWelshman Ncube, avo vanonzi vakabvisa mombe gumi dzekuti vanhu vadye pakongiresi; VaTendai Biti, avo vanonziwo vatengera vanhu hupfu hwekubikisa sadza pakongiresi iyi, VaMorgen Komichi naVaElias Mudzuri.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti MDC inofanirwa kuona kuti yaenzanisa marudzi ose pahutungamiri hwemu presidium kuitira kuti bato iri ritambirwe zvine mutsindo mumativi ose enyika.

Chimwe chigaro chiri kukwikwidzwa zvakasimba ndechemunyori mukuru webato apo VaChalton Hwende vari kukwikwidzana naVaDouglas Mwonzora, avo vakasarudzwa semunyori mukuru pakongiresi ya 2014 - iyo yakaona VaChamisa, avo vaive murongi wemisangano, vachikundwa zvine mutsinde naVaMwonzora.

VaChamisa vakazodomwa pamwe naVaElias Mudzuri sevatevedzeri vamushakabvu, Morgan Tsvangirai, avo vaive mutungamiri webato iri. VaTsvangirai vakashaya gore rapera muna Kukadzi.

Kunyange hazvo kongiresi iyi iri kuenderera mberi pasi pehutungamiri hwaVaChamisa, dare repamusoro rakapa mutongo wekuti kudomwa kwaVaChamisa naVaMudzuri kwakaitwa zvisiri pamutemo. Asi MDC yakapikisa mutongo uyu kudare repamusoro soro.

Chigaro chemubati wehomwe chiri kukwikwidzwa pakati paVaDavid Coltart naVaTapiwa Mashakada, uye chasachigaro chiri kuratidza kuti chichatorwa naMuzvare Thabitha Khumalo.

VaChamisa, avo vakatora chigaro chemutungamiri webato iri gore rapera nenzira iri kupikiswa nevamwe, vari kupinda musarudzo yemutungamiri webato vasina anovakwikwidza zvichitevera kudomwa kwavakaitwa nematunhu ose ari gumi nematatu.

Kongiresi iyi ndeyechishanu kubva pakaumbwa MDC muna 1999, uye ndiyo yekutanga kuitwa isina VaTsvangirai, zvichitevera kushaya kwavo gore rapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG