Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yosanga Svondo Rino Kuzeya Gwara reKutora


VaCharlton Hwende

Munyori mukuru weMDC Alliance VaCharlton Hwende vanoti bato ravo rapedza kunzwa kubva kuvatsigiri varo nezvegwara rekutora mushure mekunge ivo nevamwe vavo vatatu vadzingwa mudare reparamende zvichitevera danho rainge ratorwa nemunyori mukuru weMDC T VaDouglas Mwonzora.

VaMwonzora vakanyora kudare reparamende vachiti nhengo idzi dzisiiswe basa sezvo dzainge dzotevera zvido zveMDC Alliance idzo dzichimirira MDC-T.

Asi nhengo idzi dzinoti hadzina kusarudzwa pasi peMDC-T nekuti vakatokwikwidzana nayo musarudzo. Vatongi vedare repamusoro vaviri vakapa mitongo yakasiyana panyaya iyi mumwe achiti ibato mumwe achiti harisi.

VaHwende vanoti Standing Committee yebato ravo ichasangana neChipiri mamwe mapazi eNational Council neNational Executive osanga neChitatu kuti vaone kuti voita sei nezvakabuda kubva kumatunhu ose.

Hatina kukwanisa kubata VaMwonzora kana vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC T Doctor Thokozani Khupe sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo kana kupindura mibvunzo yatumirwa neStudio 7 paWhatsApp.

Asi VaMwonzora vakati vachatorera matanho nhengo dzose dzedare reparamende nesenate dzinenge dzisina kuenda kumatare nemusi weChipiri.

Hurukuro naVaCharlton Hwende
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG