Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yozivisa neChipiri Zuva Rainosvitsa Magwaro Ayo kuElectoral Court


Nelson Chamisa Bindura Zimbabwe Elections
Nelson Chamisa Bindura Zimbabwe Elections

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti magweta avo ari mubishi kuunganidza humbowo hunoratidza kuti zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, hazvisi munongedzo wechokwadi chezvakabuda musarudzo.

MDC Alliance inoti ichazivisa mangwana kuti ichasvitsa riini kupikisa kwayo kuElectoral Court.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, mutauriri waVaChamisa, uye vari chipangamazano mazano chavo munyaya dzematongerwo enyika, Dr Nkululeko Sibanda, vati kuenda kumatare ndeimwe yenzira dzavachashandisa kubudisa chokwadi chezvakabuda musarudzo, kwete zvakaziviswa neZec.

VaSibanda, avo vati zviri pachena kuti VaChamisa vakakunda musarudzo, vatiwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kutyityidzira pamwe nekushungurudza vatsigiri veMDC Alliance munzvimbo dzakasiyana siyana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vanga vasiri kudaira nharembozha.

Muongorori wezvematongerwo enyika, uye vachishanda neZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vatiwo zvakakosha kuti MDC Alliance ishandise matare edzimhosva mukugunun’una kwayo.

Bumbiro remitemo yenyika rinoti anenge akundwa musarudzo ane mazuva manomwe chete ekuti apikise nyaya yekukundwa kwake kumatare edzimhosva.

Kana iri sarudzo yemutungamiri inenge ichipikisa, kupikisa uku kukasaitwa munguva yakatarwa nemitemo, anenge akunda anogadzwa semutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG