Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti VaKuda Tagwirei Ngavaongororwe neNyanzvi Munyaya dzeHuori


VaNelson Chamisa mutungamiri weMDC Alliance

Bato guru rinopikisa reMDC Alliance riri kukurudzira kuumbwa kwekomiti yenyanzvi dzekunze munyaya dzezvekufambiswa kwemari kuti iferefete magwaro ari kuburitswa nemasangano akaita seSentry, Cartel Report uye hofisi inoona nezvekufambiswa kwemari yehurumende kana kuti Auditors Report panyaya dzehuori.

Magwaro aya ari kupomera vamwe vakuru vehurumende kusanganisirawo chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muzvinabhizimisi, VaKuda Tagwirei, mhosva dzekuita huori hunotyisa.

VaTagwirei vanonzi nemakomborero ebhanga reReserve Bank vari kuita zvehuori kuburikidza nemakambani emuchivande avari kuumba izvo zvopa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

Asi bato riri kutonga reZanu-PF iro rine nhengo dzakawanda dzinonzi dziri kunununa miromo nekudya zviri mugapu raVaTagwirei rinoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya uye mabasa avanoita akakosha mukuti nyika ibude mukanwa mamupere mayapinzwa nezvirango zvayakatemerwa nevekunze ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi National Standing Committee yeMDC Alliance iyo yakaita musangano nemusi weChipiri yakabuda nechisungo chekuti nyaya idzi dziferefetwe sezvo dzave kukanganisa zvakanyanya hupfumi hwenyika vashoma vachiguta asi ruzhinji ruchinonga svosve nemuromo.

VaTagwirei vanonzi vari mumakambani akawanda kusanganisira ezvicherwa, mafuta ekufambisa dzimotokari nemamwe.

Ongororo yakaitwawo nesangano rakazvimirira roga reAfrobarometer inoratidzwo kuti vanhu vakawanda munyika vari kuona sekuti huori muhurumende kwete zvirango sezvinotaurwa neZanu-PF ndizvo zvauraya hupfumi hwenyika.

Vanhu makumi matanhatu nepfumbamwe kana kuti 69% vanooona sekuti huori ndihwo hwauraya nyika zvichienzaniswa nevanhu makumi maviri nevapfumbamwe kubva muzana kana kuti 29% vanoti zvirango.

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vakaramba kuti vari mumambure enyaya idzi uye Studio 7 haisati yakwanisa kubata VaTagwirei.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch vanoti nyaya dziri kupomerwa VaTagwirei dzinofanira kuferefetwa sezvo dzichibata mari yehurumende.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti VaTagwirei vari kungosvibiswa zita ravo.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG