Accessibility links

Breaking News

VaHaruzivishe Vopika Mwedzi Gumi neMina


Police Outside Court 2
Police Outside Court 2

Nhengo yekomiti yepamusoro yeboka revechidiki muMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe, vatongerwa kugara mujeri kwegore nemwedzi miviri mushure mekubatwa kwavakaitwa nemhosva yekurudzira mhirizhonga pamwe nekuramba kusungwa nemapurisa.

Mutongi wedare, Amai Judith Taruvinga, vatura mutongo wekuti VaHaruzivishe vapike kwemakore maviri pamhosva yekutanga yekunzi vakakurudzira mhirizhonga asi vasendeka mwedzi gumi parutivi sezvo aka kari kekutanga VaHaruzivishe vachibatwe nemhosva. Pamhosva yechipiri yekunzi VaHaruzivishe vairamba kusungwa pavakapara mhosva yekutanga, Amai Taruvinga vati VaHarizivishe vagare mujere kwegore asi vakasendeka mwedzi mitanhatu parutivi.

Amai Taruvinga vati nguva yavatara kuti VaHaruzivishe vapike pamhosva dzose dziri mbiri ichange ichifambirana saka nokudaro vati VaHaruzivishe vachapika mwedzi gumi nemina.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 vakakomberedzwa nemapurisa anga akapakatira zvombo achivamanikidza kupinda mumotokari yavo ayo anga achivarambirambidza zvakare kutaura nevatori venhau kuti havana kufara nemutongo waturwa nedare.

Rimwe remagweta eMDC Alliance uye vari nhengo yebato iri, VaJacob Mafume, vati vachakwidza nyaya yaVaHaruzivishe kudare repamusoro nechinangwa chekuti mutongo uyu usendekwe parutivi.

VaHaruzivishe vanonzi vakakurudzira vanotengesera mumigwagwa avo vaisungwa nemapurisa kuti vaite mhirizhonga pakati pedhorobha muHarare gore rapera zvakazoita kuti mapurisa pamwe nematokari yavo vatemwe nematombo nevanotengesera mumigwagwa ava. Zvinonziwo mapurisa paaida kuvasunga, VaHaruzivishe vakaramba kusungwa vakagara pasi zvakazoita kuti mapurisa avatakure.

Asi VaHaruzivishe vakaudza dare paitongwa nyaya iyi kuti vaitobvawo mune imwe imba yekudyira iri muna First Street pavakaona mapurisa achisunga vanotengesera mumigwagwa mumwe mupurisa ndipo paakasvika kwavari akavatorera nharembozha yavo achiti “Tinokuzivai vanhu veMDC munonetsa”. VaHaruzivishe vakatiwo vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Zvichakadai, paita bongozozo panze pedare mushure mekuturwa kwemutongo uyu apo mumwe mupurisa apomerwa mhosva yekubata zamu reimwe nhengo yeboka remadzimai reMDC Alliance, Amai Vongai Tome, mapurisa paanga odzinga vanhu vose vanga vafambira nyaya pamatare zvaita kuti mapurisa nenhengo dzeMDC Alliance idzi vakandirane makobvu nematete.

Mapurisa azopedzisira orova vanhu zvaite kuti nhengo dzeMDC Alliance idzi dziite rutsoka ndibereke dzichiita aziva kwake aziva kwake.

Mumhirizhonga iyi pazosungwa Amai Tome neumwe wechidiki anzi anonzi Ngoni Dzapfumba ukuwo mutori wenhau wekambani 263Chat, Samuel Takawira, akakuvara ruoko mushure mekurohwa kwaaitwa nemapurisa.

Munyori mukuru musangano rinomirira vatori venhau vechidiki reYoung Journalists Association, Va Philemon Jambaya, vashora kurohwa kwaitwa Takawira nemapurisa vakakurudzira hurumende kuti ikoshese kodzero dzevatori venhau panguva yavanenge vachiita basa ravo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi apo taenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG