Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri Vanonyimwa Mukana weKubhadhara Mari yeChibatiso


Joana Mamombe naCecilia Chimbiri In Hasmat Suit
Joana Mamombe naCecilia Chimbiri In Hasmat Suit

Mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe neimwe nhengo yebato ravo reMDC Alliance, Muzvare Cecelia Chimbiri, vanyimwa mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo nedare ramejasitiriti pamhosva dzavari kupomerwa dzekuzvidza mapurisa nekutyora mirawu yeCovid-19 Regulations.

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaStanford Mambanje, vati Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vane hudokwadokwa hwekugara vachipara mhosva saka nokudaro vanofanira kugara mujeri kudzamara nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa.

VaMambanje vati vasungwa ava, avo vanoti vakasungwa vachibva kunorapwa mushure mekutochwa kwavanoti vakaitwa pavanoti vakapambwa vari mumaoko ehurumende, vane mhosva dzichiri mumatare uye pose pavaipihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vaipara mhosva saka vaona zvakakodzera kuti vagare mujeri kuti vasarambe vachipara mhosva.

Gweta revasungwa ava, VaCharles Kwaramba, vati havana kufara nemutongo waturwa nedare nokudaro vave kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, avo vanga varimowo mudare paturwa mutongo uyu, vaudza Studio 7 kuti zvanga zvisingakodzere kuti vasungwa ava vanyimwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pakatariswa mhosva dzavari kupomerwa vachiti zviri pachena kuti zvematongerwo enyika zvave kupinzwa mumafambisirwo enyaya mumatare.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati chinhu chinonyadzisa zvikuru kuti vari kuita zvehuori vari kupihwa mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo asi vari kurwira kodzero dzevanhu nevezvematongerwo enyika vachiona pfumvu yekugariswa mumajeri kwenguva yakareba.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vati zviri kuitwa nemamejasitiriti zvekunyima vanhu mukana wekubhadhara mari yechibatiso asi vachizonopihwa mikana iyi kudare repamusoro zvinoshoresa matare edzimhosva pamwe nekusvibisa chimiro chenyika.

Hatina kukwanisa kutaura nemunyori mukuru muJudicial Services Commission, VaWalter Chikwanha, sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa kuti tinzwe pavamire sezvo vari ivo vanowona nezvatongi vematare.

VaMambanje vati vasungwa ava vagodzoka kudare musi wa18 mwedzi uno.

Zvichakadai, VaMambanje vazoswera vave kunzwa chikumbiro chaVaFredrick Mabamba, avo vari kupomerwa mhosva gumi neshanu dzekutengesera vanhu masitendi ekanzuru yeChitungwiza zvisiri pamutemo, chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo asi hurumende yanga ichipikisa chikumbiro ichi.

VaMabamba vakasungwa nemapurisa eSpecial Anti Corruption Unit neChipiri vakazomiswa mudare nezuro vave kupomerwa mhosva idzi.

VaMambanje vati VaMabamba vadzoke kudare mangwana apo pavati vachatura mutongo wavo pachikumbiro chaVaMabamba chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG