Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoshushikana neMhirizhonga Iri Kuitirwa VaChamisa


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Bato reMDC Alliance rinoti harisi kufara nemhirizhonga yakaitika kwaMutare uko kwarinoti mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vakaridzirwa pfuti.

Bato iri rinoti chave kutodiwa inhaurirano pakati paVaChamisa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, senzira yekupedza mhirizhonga iyi nemamwe matambudziko akatarisana nenyika.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza vatori venhau nhasi kuti havasi kufara nemhirizhonga yakaitika kwaMutare nezuro inonzi yakasiya motokari yaVaChamisa yaboorwa nemabara epfuti.

Mhirizhonga yakaitika kwaMutare iyo yanzi naVaBiti yakakonzerwa nebato reZanu PF inouyawo vhiki rimwe chete mushure mekunge VaChamisa vakapwanyirwa mahwindo eimwe motokari yavo kwaCharumbira mudunhu reMasvingo nevari kunzi inhengo dzeZanu PF.

VaBiti vati zvakaitika kwaMutare izvi zvaiva zvakanangana nekupfuudza hupenyu hwaVaChamisa.

Zvataurwa naVaBiti izvi zvatsinhirwa nemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere.

VaBiti vakurudzira sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Development Community, SADC, kuti rione kuti paitwa nhaurirano pakati paVaChamisa naVaMnangagwa kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

VaBiti vati nhaurirano idzi hadzifanire kuitwa pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue vachiti gungano iri harina charinobatsira.

Muzvare Mahere vatiwo nhaurirano pakati paVaMnangagwa naVaChamisa ndidzo dzinogona kupedza mhirizhonga iri kuitika munyika.

Asi mutauriri wemutungamiri weMDC-T, VaLloyd Damba, vati matambudziko akatarisana nenyika haasi matambudziko anokwanisa kugadziriswa naVaMnangagwa naVaChamisa vari vaviri chete.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, sezvo vanga vachinzi vari mumusangano wePolitburo yebato ravo wanga uchiitirwa pamuzinda webato iri.

Asi sachigaro weZanu PF Amai Oppah Muchinguri vati zviri kutaurwa neMDC Alliance izvi ndezvekuda kusvibisa zita reZanu PF pamberi penhumwa yeUnited Nations iri kushanya munyika parizvino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati mhirizhonga iri kuitwa neZanu PF iri kusiya zita renyika rakasviba panguva iyo nhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, vari munyika vachiongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekuti zvirango zvakanganisa hupenyu hweveruzhinji zvakadii zvichitevera kukokwa kwavanonzi vakaitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Panyaya yenhaurirano, VaMukundu vati mamwe mapato ose ari muPolad haana basa sezvo mapato aya ane vanhu vashomanana.

Asi MDCT inoti nhaurirano pakati paVaMnangagwa naVaMwonzora dzakatotanga zvichitevera kupindurwa kwakaitwa VaMwonzora tsamba yavakanyorera VaMnangagwa vachiti vanoda nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika akafanana nezvehupfumi, matongerwo enyika pamwe nenyaya dzesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG