Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yopinda Muhurongwa hweKukurudzira Veruzhinji Kunyoresa Kuvhota


MDC Alliance Portia Makone
MDC Alliance Portia Makone

Madzimai echidiki mubato re MDC Alliance mudunhu reHarare West anoti ari kusangana nematambudziko apo ari kupinda muvanhu achivakurudzira kuti vanyorese kuvhota musarudzo dzichaitwa muna 2023.

Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muboka revechidiki mu MDC Alliance mudunhu reHarare West, Muzvare Portia Makone, vanoti havasi kutambirwa zvakanaka mudunhu iri apo vanenge vachikurudzira vanhu kunyoresa kuvhota kuitira kuti vazokwanisa kuvhota muna 2023.

Muzvare Makone vanoti dambudziko ravari kusangana naro ndere kuti vanhu vakawanda havazive kuti vane kodzero yokuti vavhotere munhu wavanoda.

Muzvare Makone vanotiwo semaonero avo dzidziso yekodzero yekuvhota inofanirwa kutanga kuitwa kuzvikoro, kuitira kuti munhu akure achiziva nezvekodzero dzake dzekuvhota.

Imwe nhengo yeMDC Alliance mudunhu iri, Muzvare Precious Dinha, vanoti dambudziko rekusaziva zvinoreva kodzero dzemunhu riri kuonekwawo zvikuru kumaruwa uko vanhu vanokwezva nechikafu kuti vavhotere mamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Muzvare Dinha vanoti nguva zvinhji chikafu ichi, icho chinoshandiswa sechombo muhondo yekutsvaga rutsigiro, chinenge chabva kumasangano anobatsira nechikafu pasi rose, akaita seWorld Food Program, uye chinenge chichifanirwa kupihwa munhu wese zvisineyi kuti abuda mumba maani.

Muzvare Dinha vanoti vari kumaruwa, pamwe nevari mumaguta havafanirwe kuvhotera mapato anoshandisa nyaya yechikafu, asi kuti munhu ngaavhotere munhu waanotsigira kuburikidza neruzivo rwake rwekuti ari kuvhotera munhu akaita seyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti vanhu vakawanda munyika havawanzoda havo kubuda pachena kana nguva yesarudzo isati yasvika zvokuti zvose zviri kuchemwa chemwa nemadzimai echidiki muMDC Alliance, hazvisi zvinhu zvitsva.

Vakafanobata chigaro chemukuru nwezvirongwa musangano reElectoral Resources Centre, Va VaSolomon Bobosibunu,vanoti muongororo dzavanoita dzakatarisana nesarudzo, dzinoratidza kuti nyaya dzekuvhota dzinobatanidzwa nemhirizhonga dzakamboitika kumashure nokudaro vanhu vazhinji havade kubuda pachena kuti vanotsigira bato ripi.

VaBobosibunu vanoti vanhu vanotya kuzeya pachena maringe nezvematongerwo enyika sezvo vachitya kuzovhiringirwa hupenyu hwavo, nehwemhuri dzavo sezvinogara zvichiitika panguva dzesarudzo.

VaBobosibunu vanoti munhu wese munyika ane kodzero dzokutanga bato rake rezvematongerwo enyika uye nekodzero dzekusarudza mutungamiri waanoda, zvinova zvinhu zvakachengetedzwa mubumbiro remitemo yenyika.

Mutauriri weZanuPF, VaMike Bimha, vaudza Studio 7 kuti MDC Alliance yave kungotaura zvisina maturo nokuti rutsigirwo rwayaimbowana mumadhorobha mazhinji rwadzikira zvakanyanya maringe nekugunung’una nezvemakanzuru anotungamiririrwa nenhengo dzayo, dzisisiri kuita basa rekugadzira migwagwa, kusaraswa kwemarara uye nemvura isiri kufamba mudzimba dzavo izvo zvaita kuti vanhu vachere matsime padzimba dzavo mumaguta.

VaBimha vati MDCA ngaiuyenehumbowo hunoratidza kuti chokwadi ZanuPF iri kushandisa chikafu kuti izovhoterwa muna 2023.

Vatiwo ZanuPF iri kushanda munzvimbo dzakawanda zvikuru kumaruwa uko kwairi kuvandudza hupenyu hwevagari veko, izvo zvinoita kuti ivhoterwe munguva yesarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG