Accessibility links

Breaking News

MDC-A Inoti VaChamisa naVaMnanangwai Ngavatungamire Nyaya yeKuvandudzwa kweMitemo yeSarudzo Kwete POLAD


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti vaizovandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pakapidigurwa hurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemauto muna 2017, vanopikisa nemasangano anoona nezvesarudzo vanoti zvinhu zvatonyanya kuita manyama amire nerongo munyika muchiita semaberekera ingwe.

Nyaya dzinogara dzichinetsa dzakafanana nedzegwaro revavhoti, kupindira kunonzi kunoita mauto, mapurisa uye madzishe musarudzo. Mitemo yesarudzo inonzi inofanirawo kuendererana nebumbiro remutemo.

Bato guru rinopikisa reMDC Alliance nemusi weChitau rakati riri kushushikana zvikuru nekusavandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo richiti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, haina zvairi kuita kuona kuti mitemo yavandudzwa kuti paitwe sarudzo dzakachena.

Mashoko aya anotsinhirwawo nemasangano anoona nezvesarudzo akazvimirira akaita seZimbabwe Electoral Support Network uye Election Resource Centre.

ZEC inoti hayo yakazvimirira uye iri kuyedza kuvandudza zvinhu. Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanogara vachitiwo hurumende yakazvipira kuvandudza mitemo yesarudzo pamberi pesarudzo dza2023.

Nyaya yekusaitwa kwesarudzo muZimbabwe kunyangwe nyika dzose dzemuSADC dziri kuita sarudzo dzichitevera kurudziro dzesangano reWorld Health Organization kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 iri kushorwawo nevanopikisa.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vakati sarudzo dzimire kuitwa nenyaya yeCovid-19 kwenguva isina kutarwa.

Nzvimbo zhinji munyika hadzina vamiriri nekuda kwekuti vakadzingwa mudare reparamende nemumakanzuru zvikuru nebato reMDC-T vachinzi ndeveMDC Alliance uye vamwe vakafa.

Asi vanopikisa vangaite sei kuti vamanikidze hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo?

Vamwe vakaita semutauriri webato reNational Constitutional Assembly, VaMaddock Chivasa, vanoti zvinokwanisa kuitwa kuburikidza negungano remapato rePolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti POLAD kutungana kwembudzi vachiti panoda nhaurirano pakati paVaMnangagwa naVaChamisa vakavhoterwa nevanhu vakawanda.

Hurukuro naVaClifford Hlaytwayo naVaMaddock Chivasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG