Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Mhirizhonga Haimisi Chitima Chavo cheShanduko muZimbabwe


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vari kuwana rutsigiro rwakakura kwazvo kunyange hazvo bato reZanu PF riri kukonzera mhirizhonga mukufamba kwavari kuita vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2023.

Vachitaura muhurukuro yataita navo nhasi, VaChamisa vati vari kufara zvikuru nerutsigiro rwavakapihwa neveruzhinji mukutenderera kwavakaita svondo rose mudunhu reMasvingo umo mavakasangana nevanhu vakasiyana-siyana.

VaChamisa vatiwo mhirizhonga yavakasangana nayo yakakonzerwa nebato reZanu PF pamwe nemutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, avo vavanoti vari kukundikana kugadzirisa matambudziko ari kutarisana nenyika.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati MDC Alliance iri kutsvaga kusvibisa zita rehurumende pamwe nebato reZanu PF pamberi perwendo rwenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vakatarisirwa munyika neMuvhuro.

Asi VaChamisa vati kunyange pane vamwe vanhu vakaratidzira mudunhu reMasvingo kuti vabvise zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe, ivo havasirivo vakaisa zvirango izvi vachiti zvinoitwa nehurumende yaVaMnangagwa ndizvo zvinoita kuti zvirango zvirambe zviripo.

Vaenderera mberi vachiti kuti sarudzo dzemuna 2023 dzifambe zvakanaka, masangano ekunze akaita sesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSouthern African Development Community, African Union, pamwe nesangano reUnited Nations, anofanirawo kutora matanho ekuti sarudzo dziitwe murunyararo.

Zvisineyi nemhirizhonga yakaitika kuMasvingo, VaChamisa vati vane hurongwa hwekutenderera mumatunhu ose munyika vachitaura nevatsigiri vavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 vari kuLondon, kuti mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vanofanirwa kutora matanho akasimba kuitira kuti sarudzo dzemuna 2023 dzifambe zvakanaka.

Hatina kukwanisa kubata VaMatanga panhare dzavo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zvakakosha kuti mapato anopikisa abatane ose oita chirwira ingwe musarudzo dza 2023 kuitira kuti akunde Zanu PF zvine mutsindo sezvo muZanu PF muine makakatanwa anogona kubvarura bato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG