Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheTrue Bantu Warriors Chinotora Mukombe Mukuru


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Kwakanga kusingadaidzwe anonzwa mukupera kwesvondo apo shasha dzembira dzakasangana kuMukuvisi Woodlands muHarare apo vana gwenyambira vakange vachikwikwidzana pamhemberero dzekucherechedza kupera kwemwedzi wembira, kana kuti Mbira Month, unova Gunyana.

Kwaive nemufaro mukuru kuMbira Festival munzvimbo ye Eastley muHarare, vanhu vachitamba nziyo uye kufara nezvaiitwa nezvikwata zvisere zvavana gwenyambira izvo zvaive pamakwikwi aya.

Pose pane makwikwi, panowana munhu mumwe chete anonzi ndiye akunda vose.

Mukupera kwechirongwa ichi, chikwata che True Bantu Warriors Band, ndicho chakatora mukombe wepamusoro soro, uye chakapihwa mubayiro wembira itsva kubva kusangano reMbira Center.

Mutauriri we True Bantu Warriors Bantu, VaWatmore Mchuwe, vanoti vakafara zvikuru nemubairo uyu.

VaMchuwe vanoti mbira mucherechedzo wetsika nepasichigare.

Amai Christine Shoko, avo vaive nechikwata chevana vanoridza mbira nemarimba paNyava Secondary School kwaMusana, kuBindura, vanoti kuchine vabereki vanorambidza vana vavo kuridza mbira nemarimba, vachiti ndezvemweya wetsvina.

Amai Shoko vanoti vana ava vakatora mukombe mukuru vakamirira dunhu reMashonaland Central pamakwikwi eNational Annual Science Sports, Arts Festival akaitirwa kuNational Sports Stadium muHarare svondo rapfuura.

11
please wait
Embed
11
by VOA

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG