Accessibility links

Breaking News

COPAC Haisati Yatara Zuva reKupinda muHarare neBulawayo


Kunyange hazvo chirongwa chenkunyorwa kwebumbiro idzva chava kupinda mumwedzi wekupedzisira, mazuva achaitwa chirongwa ichi muHarare neBulawayo haasati atarwa.

Gurukota rezvemabasa ebumbiro remutemo, VaEric Matinenga, vanoti mazuva aya achaziviswa munguva inotevera. Komiti yeparamende iri kutungamira chirongwa ichi yakamisa kupinda mumaguta maviri aya, ichiti ichaita izvi kana mitambo ye 2010 FIFA World Cup yapera. Mitambo iyi yakapera musi 11 Chikunguru.

Mune imwewo nyaya ine chekuita nekunyorwa kwebumbiro idzva, mumwe mugari wekuChegutu, VaNewman Hungwe, vanoti vanhu vari kumanikidzwa kutaura zvido zvemasoja pamwe nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko. VaHungwe vanoti izvi zviri kupa kuti vanhu vasataure pfungwa dzavo, asi kuti zvavanenge vaudzwa nevanhu ava.

Rimwe remasangano evechidiki, reYouth Agenda Trust, rinotiwo harisi kufara nezviri kuitwa nenhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, iyo rinoti iri kuramba kutambira shambidziro yaro inokuridzira vechidiki kuti vape pfungwa dzavo muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG