Accessibility links

Breaking News

Mazana eVanhu Vanoshandisa Air Zimbabwe Pakufamba Vanonetseka


Mazana evafambi vanoshandisa ndege dzeAir Zimbabwe vakaona chitsvuku panhandare yendege yemuHarare, mushure mekunge ndege dzaienda kuJohannesburg nekuVictoria Falls dzakatadza kusimuka zvichitevera kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu mukambani iyi.

Air Zimbabwe yakambomiswa kushandwa nayo nesangano rinoona nezvenzendo dzemuchadenga pasi rose, reInternational Air Transportation Association, kana kuti IATA, zvichitevera chikwereti chemari inosvika $280 000 yemitero chainayo kusangano iri.

Kuramwa mabasa kwevashandi veAir Zimbabwe vanosanganisira vatyairi vendege, kwakadzosera shure kambani iyi zvikuru sezvo yakanga isisawani mari kubva munzendo dzayaifanirwa kuita. Matambudziko aya akawedzerwawo nekutorwa kwendege yakanga ichishandiswa neAir Zimbabwe neimwe kambani yendege yeAir Zambezi, iyo inonzi yaidawo chikwereti chayo kubva kuAirZimbabwe.

Nyanzvi inoongorora zvehupfumi VaRejoice Ngwenya vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanirwa kuongorora mafambiro ari kuita zvinhu mukambi yeAir Zimbabwe, vachiti zviri nani kuti patsvagwe mamwe makambani evane hunyanzvi ekuti vabatane nekambani iyi, sezvakaitwa nemakambani mazhinji ane ndege muAfrica nenyika dzichiri kusimukira.

XS
SM
MD
LG