Accessibility links

Breaking News

Mauto Anofora kuMasvingo Achiti VaMugabe Ngavatonge Nekusingaperi


Mauto anodarika mazana mashanu anonzi ainge akapakatira zvombo anonzi akafora mumisha yeveruzhinji kuMasvingo neSvondo achiti anoda kuti mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vatonge nekusingaperi.

Bepanhau repaindaneti reRadio VOP rinoti mauto aya akakonzeresa nyonganyonga mumigwagwa, achimanikidza vedzimotokari kuti vabude mumigwagwa. Mauto aya anonzi aiimba nzimbo dzinokurudzira VaMugabe, uye vaishevedzerawo kuti “Ukadenha gamba redu watanga hondo”.

Hatina kukwanisa kuziva kuti mauto aya aibva paMasvingo Four Brigade here kana kuti kwete. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa pamusoro pezvakaitika izvi neSvondo.

Kurudziro yemauto iyi inouya mushure mekurudziro dzakadai dzakaitwa nemadzishe pamwe neboka remadzimai reZanu PF Women’s League.

Sachigaro weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai mudunhu reMasvingo, VaWilstaff Sitemere, vaudza Studio7 kuti bato ravo richaramba richiita ruzha kudzamara Zanu PF yasiya tsika yekushandisa mauto nemapurisa pakutsvaga rutsigiro.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti iyi inzira yekumisa vamwe vanenge vachida kukwikwidza chigaro chaVaMugabe muZanu PF, uye kutyisidzira vavhoti kuti vasarudze VaMugabe munguva yesarudzo.

Zvichakadaro, bepanhau reThe Zimbabwean rinotiwo vagari vekuChimanimani vanoti vachatsigira mubati wehomwe muMDC yaVaTsvangirai, VaRoy Bennett, munguva yesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Vagari ava vanonzi vakati havana mumwe munhu avachatsigira kunze kwaVaBennett, sezvo vasiri kupiwa mukana nebato reZanu PF wekuita basa ravo.

VaBennett vakabuda munyika vachiti hupenyu hwavo huri kuiswa munjodzi neZanu PF. VaMugabe vakaramba kugadza VaBennett semutewedzeri wegurukota rezvekurima, vachiti nyaya dzavo dziri kumatare dzitange dzapera.

Pakaonekwa VaBennett vasina mhosva, VaMugabe vakabva vatanga zvakare kupika kuti havafe vakagadza VaBennett chigaro ichi. VaBennett, avo vanozivikanwa nezita rekuti Pachedu, vakatorerwa purazi ravo neZanu PF, uye midziyo yavo yepapurazi reCharleswood kuChimanimani.

XS
SM
MD
LG