Accessibility links

Breaking News

Mauto Akapakatira Zvombo Oonekwa Pose Pose


Mapurisa echiuto, kana kuti military police, azara mumatunhu akawanda munyika. Mauto aya anonzi ari kumanikidza vanhu kupinda mumisangano yaari kuita.

Bepanhau repa internet, renhepfenyuro yeRadio VOP, rinoti mauto ari kugara pedyo neChadzire Bridge mudunhu reBuhera, akatyisidzira vagari vemunharaunda yemabhizimusi yeSungura munguva ino yezororo rekisimusi.

Vane ruzivo vanoti mauto aya ari pedyo nekumusha kwemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Zvinonzi mauto aya ari kuonekwawo ari pamugwagwa panenge pakachengetedzwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police, apo anenge ari pama road block.

KuChipinge East, mudunhu reManicaland, mauto anonzi ari kushungurudzawo vanhu nekuvamanikidza kupinda misangano yaanoita nguva nenguva.

Hatina kukwanisa kubata vemauto kuti tinzwe divi ravo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti havazivi kuti masoja aya aidei sezvo paine nyaya dzehuwori dzinonzi dziri kuitwawo nemapurisa.

XS
SM
MD
LG