Accessibility links

Breaking News

Matare eNyika Apinda Muchadzimira Here neNyaya yaVaMalaba?


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevaive mutongi wematare VaLuke Malaba.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevaive mutongi wematare VaLuke Malaba.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo hadzisi kuwirirana panyaya yekuti matare edzimhosva aita chadzimira here kana kuti kwete panyaya yekuti potorwa danho ripi nezvemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba vakanzi nedare repamusoro vaende pamudyandigere.

Huurumende yakapikisa mutongo uyu kudare repamusoro soro iro rine vatongi varo vose gumi nevatanhatu vakaendeswawo kumatare vachinzi havana maoko akachena panyaya iyi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakawedzera nemakore mashanu nguva yekuti VaMalaba varambe vari pabasa mushure mekunge bumbiro remitemo ravandudzwa kuti mutongi anokwanisa kuramba ari pabasa kwemakore makumi manomwe nemashanu kwete makumi manomwe chete.

Asi dare rakati VaMalaba havafanire kuwana chouviri pakuvandudzwa kwebumbiro pasina kunzwikwa pfungwa dzevanhu kana kuti referendum.

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo, Doctor Alex Magaisa, avo vakambova chipangamazano chevaive mutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai veMDC vanoti matare aita chadzamira uye nyaya iyi ichanetsa kugadzirisa nekuti hapana angakwanise kuita mutongi gava.

Asi VaTinomudaishe Chinyoka vanombomirira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hakuna nyaya inoenda kumatare isingapedzwe nematare nekudaro pane mukana wekuti ichagadziriswa.

Kunyange hazvo hurumende yakapikisa mutongo uyu kudare repamusoro soro, VaMalaba vachiri kumba uye Judicial Services Commission yakadoma Amai Elizabeth Gwaunza kuti vambofanobata matomu kusvika nyaya iyi yapera.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG