Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvizhinji Zvokwidza Mari kuMasvingo, Izvo Zvorwadza Vabereki


New Money Currency 3
New Money Currency 3

Vabereki vane vana muzvikoro zvakasiyana siyana kuMasvingo vari kuchema chema zvikuru nekukwidzwa kwakaitwa mari dzechikoro pakati pekotoro vachiti havakwanisi kubhadhara mari idzi.

Zvikoro zvizhinji mudunhu reMasvingo zvakakwidza mari yechikoro pakati
pekotoro nezvikamu zana kubva muzana, kuitira kuti vabereki vapamhidzire mari idzi kunyange vakambokwidza pakavhurwa zvikoro mwedzi wapera.

Vabereki vanoti havasi kufara nekuwedzerwa kwemari iyi apo vana vavo
vave kudzidza kaviri pasvondo, uye vamwe vasiri kunyatsodzidza
nenyaya yevadzidzisi vari kuramwa mabasa vachida kuwedzerwa mari.

Mumwe mubereki wemumusha weRunyararo West, Amai Beatrice Hamadziripi, avo vane mwana pachikoro cheFrancis Aphiri Primary, chakakwidzawo mari kubva pazviuru zvitatu kusvika kuzviuru zvinomwe zvema RTGS, vanoti mari iyi yakawandisa uye havaikwanisi kuiwana.

Zvimwe zvikoro zvakawedzera mari zvinosanganisira zvine vana vanogara
pachikoro zvakaita seGokomere High, iyo yakawedzera mari nezviuru
gumi nezvishanu nemadhora makumi matanhatu nemashanu, 15 650 RTGS, apo vakange vabhadhara zviuru makumi mana nezvinomwe zvine madhora makumi mashanu nematanhanhatu, 47 560 RTGS pakavhurwa zvikoro mwedzi wadarika.

Chikoro cheHellen Macgie, mudhorobha reMasvingo, chakawedzerawo mari yechikoro kusvika pazviuru zvinomwe zvamaRTGS kubva pazviuru zvina.

Mumwe mugari wekuBikita, VaOscar Makova, vanoti zvikoro zviri
kuvakuvadza nekuti zvawedzera mari asi ivo mihoro yavo sevashandi
vehurumende isina kukwidzwa.

Mumwe mubereki, VaGarikai Madziva, vati pamusoro pekuti vana vanoenda mazuva mashoma kuchikoro, vadzidzisi vari kuramwa mabasa, nekudaro mari iyi iri kuwedzererwa zvisina maturo.

Vakuru vezvikoro varamba kutaura neStudio7 panyaya iyi vachiti
havabvumidzwi kutaura nevatori venhau nebazi rezvedzidzo munyika.

Asi mutsamba yakanyorera vabereki nezuro, nemukuru wechikoro che
Hellen Macgie , Amai Stella Deve, vakati mari inotanga kubhadharwa
nhasi kunyange vasina kupa zvikonzero zvekukwidzwa kwemari.

Gurukota rezvidzo yepasi , VaCain Mathema, varamba kutipa divi
rehurumende panhare vachiti tipedzerane nevakuru vezvikoro kunyange
hazvo Studio7 yavaudza kuti vakuru vezvikoro ava vari kuramba kutaura nevatori venhau.

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vati hurumende haina kupa zvikoro mvumo yekukwidza mari dzehikoro.

Vatiwo zvikoro zvinofanirwa kugara pasi nevabereki powiriranwa mari dzinenge dzichida kukwidzwa.

Zvimwe zvikoro zvakakwidza mari zvinosanganisira Shakashe Primary, Runyararo primary, Runyarararo Adventist pamwe neVurombo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG