Accessibility links

Breaking News

Vagari Voyambirwa Kuvhiringwa neMafashamu eMvura kuMasvingo


Zimbabwean children sit among salvaged possessions at a transit camp for over 100 families displaced by floods near the Tokwe-Mukorsi dam about 430km (267 miles) south of Harare, Feb. 13, 2014.
Zimbabwean children sit among salvaged possessions at a transit camp for over 100 families displaced by floods near the Tokwe-Mukorsi dam about 430km (267 miles) south of Harare, Feb. 13, 2014.

Hurumunde iri kuyambira vagari vekumaruwa ekwaChivi, Masvingo South
neChiredzi vanogara kuzasi kwedhamu reTokwe Mukosi kuti vagadzirire
kuenda kunzvimbo dzakakwirira sezvo dhamu iri rave kuzara zvekuti
rinogona kupfachukira kukaita mafashamu sezvo mvura iri kunaya zvakanyanyisa.

Bazi rinoona nezvemvura munyika reZimbabwe National Water Authority, Zinwa, razivisa kuti dhamu reTokwe Mukosi rave nemvura inosvika zvikamu makumi masere namatanhatu kubva muzana, kana kuti 86%.

Hurumende inoti mvura yemudhamu iri yakakwira zvakanyanyisa kupfuura zvarakamboita muna 2018 apo rakasvika pazvikamu makumi manomwe nezvisere kubva muzana, kana kuti78%.

Zinwa inoti mvura yemudhamu iri uave pedyo nekupfachukira nekudaro vanhu vanogara kuzasi kwedhamu iri vanofanira kuchenjerera
hupenyu hwavo nezvipfuwo zvavo.

Sachigaro webazi reCivil Protection Unit muMasvingo, VaJefta Sakupwanya, vati hurumende yatotanga zvirongwa zvekushambadza chenjedzo kuvagari vemunzvimbo idzi kuitira kuti vagadzirire, vasatambire munzizi dziri zasi uye vagare kwakwirira kuitira kudzivirira njodzi sezvakamboitika pamafashamu edhamu iri mugore ra2014.

VaSakupwanya vati hurumende yakatosarudza nzvimbo dzekuendesa vanhu kana mafashamu anyanyisa uye dzimwe dzacho dzakange dzatosarudzwa paida kuitika Cyclone Chalene mwedzi wapera.

Mutauriri weZinwa, Amai Majorie Munyonga, vatsinhira vachiti vari
kushanda nemamwe mapazi ehurumende kusanganisira reCPU kuita zvirongwa zvekuzivisa vagary zvavanofanirwa kuita.

Amai Munyonga vati vakatotanga kushambadza mumapepanhau, nhepfenyuro pamwe nspamasaisai kuitira kuti veruzhnji munzvimbo idzi vawane mashoko aya akakoshera hupenyu.

Vamwe vagari vemumusha wekwa Muzvidziwa kwaChivi vati mvura yatozara murwizi rweTokwe uye yave kutosvika mumisha yavo nekudaro vamirira hurumende kuti ivabvise nguva ichipo.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaTizirai Muzvidziwa, vati vave kutyira kurasikirwa nezvipfuwo nehupeyu hwevanhu munharaunda yavo.

Amai Munyong vati vari mubishi nemamwe mapazi kuti njodzi isawire
vanhu uye vari kushandazve nemamwe mapazi ekuMozambique uko
kunosvika mvura iyi kana mafashamu aita.

Mugore ra2014 mhuri dzinosvika zviuru zvitatu dzakasiiwa dzisina
pekugara mushure memafashamu akakonzerwa nemvura yekunaya yakawandisa dhamu iri rikafashukira.

Vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu vakazogariswa kuChingwizi uko kwakanga kusina kumira zvakanaka sezvo hurumende yakange isina
kugadzirira dambudziko iri zvakanaka.

Gore rino vanhu vana vakafa mushure mekuyeredzwa nemafashamu murwizi Mutirikwi kuChiredzi vamwe vana vakabatsirwa vapedza zuva rose vari pachitsuwa vavharirwa nemvura vachida kuyambuka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG