Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo nezuro rekuti itengere vakuru vemapazi nharembozha dzichadya mari inodarika zviuru makumi matanhatu zvemadhora ekuAmerica.
Vagari vakawanda vanoti zviri kuitwa nekanzuru yavo zvinoratidza kuti haina shungu nekuita zvinhu zvinobatsira veruzhinji.
Maminetsi emusangano wekanzuru wakaitwa nezuro anoratidza kuti kanzuru yakabuda nechisungo chekutenga nharembozha dzemhando yepamusoro soro dzekupa vakuru vemapazi ekanzuru gumi, pamwe nevetevedzeri vavo gumi.
Vakuri vemapazi vachatengerwa Iphone7 iyo inoita zviuru zvitatu zvemadhora, vatevedzeri vavo vachitengerwa Samsung Galaxy S9, iyo inoita zviuru zviviri nemazana manomwe emadhora ekuAmerica.
Izvi zvichadyira kanzuru mari inoita makumi matanhatu ezviuru zvemadhora.
Vagari vataura ne Studio7 vanoti izvi zvinoratidza kuti vatungamiri vekanzuru havana hany'a nehupenyu hwevagari sezvo vachishandisa mari yakawanda kuzvinhu zvenhando, asi ivo vasina mvura yakakwana, migwagwa yakanaka uye marara asiri kutakurwa kanzuru ichiti mari yairi kuwana ishoma.
Amai Sandra Muzenda, avo vanogara mumusha weSisk, vanoti izvi zvinoratidza kuti vakuru vekanzuru vane humbimbindoga.
Mumwe mugari, Muzvare Blessing Chimombo, vanotiwo havaoni chinobatsira nharembozha pakufambiswa kwebasa rekanzuru rakafana nekuti kushomeka kwemvura kupere mudhorobha.
Kunyange zvekutengwa kwenharembozha izvi zvisimo mubhajeti rekanzuru ra2019, kanzuru inotarisirwa zvakare kuzobudisa mari yakawanda yekutengera vakuru ava muto wekudzishandisa mwedzi wega wega.
Mubhajeti regore rino remari inosvika mamirioni maviri emadhora, kanzuru ichashandisa mari inosvika zviuru mazana mashanu zvemadhora gore rose mukugadzirisa migwagwa, zvinoreva kuti mari yenharembozha yose inokwanisa kugadzirisa migwagwa yedhorobha kwemwedzi mumwe chete.
Kanzuru inoshandisazve mari inoita zviuru mazana matatu zvemadhora kutenga mishonga inochenesa mvura pagore, zvekuti mari yenharembozha inokwanisa kutenga mishonga yekuchenesa mvura kwemwedzi miviri, vanhu vachiwana mvura yakachena muguta rine vanhu vosvika zviuru zana.
Mari yenharembozha iyi inokwanisawo kutenga mafuta edzimotokari dzose dzekanzuru nedzekutakurisa marara mudzimba kwemwedzi mitatu, izvo zvinoita kuti zvirwere zvive zvishoma muguta.
Naynzvi munyaya dzemari dzinotiwo, kanzuru, iyo iri kunetseka kuwanira musha wega wega bhini rawo, yaikwanisa kutenga mabhini zviuru zvisere zvopihwa vagari kuitira kuti vasarase marara pose pose.
Mukuru webasa muMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti, vanoti kanzuru iri kuita zvekutamba nemari yevagari.
Kunyange izvi zvakabuda mumaminitsi emusangano wekupera kwemwedzi unopa mvumo kubasa rose rekanzuru richaitwa mwedzi unotevera, meya weguta, VaCollen Maboke, vanoti izvi hazvisati zvapasiswa.
Vagari vanoti kanzuru inofanirwa kusatenga nharembozha idzi yonangana nezvinhu zvinobatsira vagari.
Facebook Forum