Accessibility links

Breaking News

Bhajeti reKanzuru yeMasvingo Rinoramba Kutambirwa neVagari Vakawanda


Masvingo Water2

Vagari vemuguta reMasvingo vari kuramba kutambira bhajeti rekanzuru yavo regore rinouya remadhora mabhiriyoni mana vachiti rakakurisa zvikuru uye vagari vazhinji vachatadza kubhadhara mitero nekuda kwekuoma kwakaita hupenyu munyika.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuitwa misangano yekunzwa dzevanhu pabhajeti iri, vagari ava vanoti ivo zvikamu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana zviri kuda kukwidzwa mitero zvakakurisa sezvo vanhu vakawanda vachatadza kubhadhara mitero iyi.

Mumwe mugari, Amai Beatrice Hamdziripi, vemumusha we Runyararo West, vanoti ivo kukwidzwa kwemitero uku kunomesera vagari vazhinji avo vasiri kuwedzerwa mari kwavanoshanda nekudaro vanozonetseka kubhadara mari idzi kana dzikakwidzwa nekanzuru.

Mumwe mugari, VaHardlife Tangayi wekuHillside, vanoti zvakaoma kuti kanzuru iwedzere mitero nezvikamu zvakadaro panguva iyo ruzhinji rwevagari rwuri kuvharirwa mvura nekutadza kubhadhara mari iri kudiwa izvozvi, nekudaro gore rinouya dhorobha rose rinogona kuzotadza kubhadhara mvura kana mitero iyi ikakwidzwa.

Gore rino vagari vazhinji vari kubhadhara mari yemvura iri pakati pezviuru
zvitatu nezviuru zvitanhatu zvemadhora pamwedzi.

Mari iyi ikakwidzwa gore rinouya, vagari vanenge vobhara mari inotangira pazviuru zvisere nemazana masere ane makumi mashanu emadhora kusvika pazviuru gumi nezvinomwe nemazana manomwe emadhora emaRTGS.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti kanzuru yakatarisa
zvinhu zvakawanda isati yakwidza mitero iyi, zvinosanganisira kukwira
kwemafuta emotokari dzebasa nemitengo yemishonga yekuchenesa mvura iyo inotengwa kunze kwenyika nemari yekunze.

Asi sangano rinomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate
Payers Alliance (MURRA) rinoti kunyange zvinhu zvakakwidzwa mitengo semafuta edzimotokari chikamu chekanzuru chakangokurisa uye vagari vazhinji kwavanowana mari haina kukwidzwa nezvikamu zvakadaro.

Anoona nezvekufambiswa kwemabasa muMURRA, Muzvare Rumbidzai
Magurupira, vanoti kanzuru iri kuda kusiya mugari ari parumananzombe.

Vamwe vagari vanoti zve chinonyanya kuvarwadza ndechekuti
vanokwidzirwa mari asi mvura yacho ichinetsa kuuya mudzimba dzavo.

Mvura inouya kwemaawa mashoma shoma makuseni oga oga yobva yaenda voswera vasina mvura izvo zvinozoita kuti vashandise zvibhorani zviri mumawadhi asi panouya mapepa emvura, mitengo inenge yakakwira zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG