Vamwe vevanhu vakagariswa patsva vanosanganisira vaimbove varwi vehondo yerusununguko vanoti vari kushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti masoja mumapurazi ari pedyo neChegutu.
Vakagariswa patsva ava vanoti masoja ainge akapfeka mbatya dzechiuto uye vaine motokari dzainge dzisina manhamba vakavashungurudza vachiti vabve pamapurazi eDorith neStanley pedyo neChegutu kana kuti vanoitwa kafiramberi.
VaLivingstone Nyamadzawo avo vakanga vari muchiuto vanoti masoja mashanu akasvika pamba pavo akavataurira kuti vabve pamunda nekuti vakasabva vaizodzoka kuzovauraya.
VaNyamadzawo avo vane tsamba kana kuti Offer Letter yepamunda pavari vanoti masoja aya akati havana basa nevezvematongerwo enyika sezvo vakabvisa vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Mumwe mugari VaMathew Paul vanoti masoja akauya kumba kwavo akafanana nevakauraya vanhu vatanhatu muHarare sezvo vainge vasingade kuzivikanwa kuti ndivanaani.
VaPaul vanoti mumwe musoja akazvivisa saMuswere Moyo uye vakanomhan’ara kumapurisa emuChegutu.
Amai Mairesi Nyirenda vanoti masoja akati pane vanhu vashanu vavari kuda kuuraya nekuda kwenzvimbo yavakagara.
Amai Nyirenda vanoti vave kutya kusiya vana vavo vari vega nekuda kwekuita kwemasoja aya.
VaNyamadzawo vanoti vave kutyira hupenyu hwavo sezvo vakambobviswa papurazi ravo gore rapera asi vakadzoserwa nematare.
Sachigaro wekomiti yezveminda mudunhu reChegutu VaTariro Tom, vanoti havazive nezvehurongwa hwekubvisa vanhu pavagere sezvo pari kuitwa wongororo yekuti ndiani ane munda uye wakakura sei nedonzvo rekudimura mimwe minda ichipihwa vasina.
VaTom vanoti parizvino komiti iyi iri mudunhu reHurungwe vachiti masoja aya ari kuita zvisiri pamutemo.
Mumiriri weChegutu muparamende VaDexter Nduna avo vanonzi vaishoropodzwa nemasoja aya vanoti vanhu ava havasi masoja chaiwo sezvo vari kupesana nezviri kukurudzirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti zvinhu zvese zviitwe pamutemo.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Inspector Clemence Mabgweazara vati titaure naAmai Charity Charamba avo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo sezvo ivo vasingabvumirwe kutaura nyaya dzinechekuita nemasoja kune vatori venhau.
Mutauriri wemauto VaEverson Mugwisi vati tivanyorere tsambambozha kuti vaferefete nyaya iyi. Asi pataenda kumhepo vange vange vasati vapindura mibvunzo iyi.
Facebook Forum