Accessibility links

Breaking News

Masoja neMapurisa Odzinga Vanhu Papurazi rekuGokwe Achivasiya paMhene


Mhuri dzakadzingwa kuChamagora
Mhuri dzakadzingwa kuChamagora

Vamwe vanhu vakagara patsva kunzvimbo yemapurazi eChamagora pedyo neGokwe Centre mudunhu reMidlands vari kugara pamhene mushure mekunge zvikwata zvemasoja nemapurisa zvapisa nekupunza misha yavo vachinzi vakagara ikoko zvisiri pamutemo.

Hatina kukwanisa kutaura nevakuru vemapurisa kana mauto sezvo vange vasingadaire nharembozha dzavo.

Pasvika Studio 7 kunzvimbo yeSibusiso nhasi mangwanani tawona mimwe misha iri pedyo nemugwagwa weKwekwe-Gokwe ichitsva, vanhu vakawanda vari kumucheto wemumugwagwa vakachengetedza zvipfuyo nezvirimwa zvavo.

Sibusiso ndeimwe yenzvimbo dzine chitsama dziri mumapurazi eChamagora uko kuri kudzingwa vanhu vari kunzi havafanirwe kunge vari kugara munzvimbo iyi.

Mumwe mugari wekuChamagora
Mumwe mugari wekuChamagora

Vamwe vevanhu ava vaudza Studio 7 kuti vange vachirara panze vachinaiwa nemvura kubvira musi weChina manheru mushure mekunge zvikwatwa zvemasoja nemapurisa zvasvika munzvimbo iyi zvichipisa kana kupunza dzimba nezvimwe zvivakwa zvevanhu ava vachivati vabve munzvimbo iyi.

Vakawanda vevanhu ava vange vasina kugadzikana vachitya kutaura sezvo vange vachiti masoja nemapurisa aya vari kuramba vachivatandanisa nekuvarova.

Mumwe wevashoma vabvuma kutaura ndemumwe mudzimai angozvidoma nezita rekuti Amai Nyoni.

Nzvimbo yeChamagora yakagara yakatarwa senzvimbo yemapurazi evanhu vatema nyika isati yasununguka uye vazhinji vavo vakatenga mapurazi munzvimbo iyi kare.

Vanhu vakagara patsva ava vakauya panguva dzakasiyana-siyana vachibvavo kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

Mumwe mugari asina kuda kudomwa nezita uye asina kuda kutaura pamhepo ati nemusi weMuvhuro svondo rapera vagari vakawanda vaive vapiwa matsamba ekuvazivisa kuti vanofanirwa kubva munzvimbo iyi nekuti vari kugaramo zvisiri pamutemo.

Mumwewo mugari uyo ati anoda kuziikanwa nekuti Amai Nyasha nyasha chete ati ave nemakore anopfuura gumi achigara munzvimbo iyi achiti chinorwadza vanhu ndechekuti vakabhadhara mari kumasabhuku nemasadunhu kuti vagare munzvimbo iyi.

Amai Nyasha vati vange vaine chitoro chidiki kana kuti tuck-shop iyo yakapunzwawo, vachiti zvinovarwadza kuti vari kudzingwa panguva iyo vange vari kukohwa.

Vanoziva zviri kuitika vanoti kune mhuri dzinopfuura mazana maviri dziri kugara mumapurazi aya.

Mumwedzi miviri yapfuura pane vanhu vatatu vakafa mushure mekurwisana pakati pevamwe vevagari ava nevamwe vana sapurazi vemunzvimbo iyi.

Studio 7 yaedza kunzwa kubva kuna Chief Njelele vanove ishe wenzvimbo iyi asi nharembozha yavo yange isingadavirwe. Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG