Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana Muna 2019


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakapa mashoko avo ekupera kwegore vachiti vane chivimbo chekuti gore ra2019 richange rakanakira veruzhinji zvikuru munyaya dzezvehupfumi.

Vati hurumende yavo yakatoisa hwaro hwekvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

VaMnangagwa vakurudzira vanhu kuti vabatane kuumba nyika sezvo zvesarudzo zvakadarika. Vati nyaya huru dzavakatarisana nadzo ndedzekuvandudza hupfumi hwenyika, kutsigira varimi, vemaindasitiri, migodhi uye kuvakwa kwemigwagwa nezvimwe.

Asi vakawanda vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika nekushaikwa kwemari mumabhengi, kudhura kwezvinhu, kuratidzira nekuramwa mabasa kweveruzhinji, zviri kupa kuti vazhinji vazvibvunze kuti gore ra2019 rakatakureyi?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaPersistence Gwanyanya vanoshanda nesangano rePersycon Financial Services vanoti nguva yekungotaura yakapfuura, vanhu vave kuda kuona zvinobatika.

Vati mashoko emutungamiri wenyika akanaka kana paine zvinozoitwa kuazadzisa sezvo muromo usingazarirwe nerwizi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG