Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yeSarudzo Mudunhu reMash Central Yopenengurwa


Amai Joice Mujuru

Nzvimbo zhinji mudunhu reMashonaland Central dzinozivikanwa nekuvhotera bato reZanu PF asi vemapato anopikisa vanoti gore rino vari kutarisirawo kukunda mudunhu iri ukuwo bato reZanu PF richiti mapato aya haana chaanowana mudunhu iri.

Mumwe wevechididiki mubato reNational People’s Party, VaKismet Mashange, vanoti bato ravo radzika midzi mudunhu iri. VaMashange vanoti nekuda kwekuti mutungamiriri wavo, Amai Joice Mujuru, vanobva kuMt Darwin, inova iri mudunhu iri, vachavhoterwa zvakanyanya nevana vekumusha kwavo.

VaMashange vanotiwo veruzhinji kunzvimbo iyi havagutsikani nezvirongwa zvebudiriro zveZanu PF zvichaita kuti vavhotere bato ravo.

VaMashange vanotiwo kushomeka kwakaita vakavhota musarudzo dzebato reZanu PF zvichienzaniswa nevanhu vari mudunhu iri, mucherechedzo wekudzikira kuri kuita nhengo dzeZanu PF mudunhu iri.

Mutauriri webato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vanotiwo vanotarisira kukunda kwemapato anopikisa kudunhu iri pasi pemubatamidzwa weMDC Alliance.

VaChihwayi vanoti bato ravo rakapiwa matunhu maviri kunzvimbo iyi Mazowe North neMazowe South.

VaChihwayi vanotiwo kubatana kwavakaita nevanhu vanga vari muZanu PF vakadai semutungamiriri weZimbabwe People First, VaAgrippa Mutambara, zvichabetsera MDC Alliance kupinda kunyange nzvimbo dzinetsa mudunhu iri.

VaMutambara vanobva mudunhu reMashonaland Central.

Vari kuzokwikwidza muMazowe Central pasi peMDC Alliance, Mufundisi Blessing Muroyiwa, vanoti Zanu PF yaikunda mudunhu iri nekuda kwekutyityidzira vagari pamwe nemhirizhonga.

VaMuroyiwa vanoti kukasangoita mhirizhonga mapato anopikisa anokunda mudunhu iri.

Mukuru wevashandi mubato reMDC, VaSessel Zvidzai, vanotiwo mubatanidzwa weMDC Alliance uri kutarisira kukunda kudunhu reMashonaland Central.

VaZvidzai vanoti pavakanoita musangano wekutsvaga rutsigiro kwaNzvimbo mudunhu iri, kwakauya vatsigiri vakawanda zvikuru.

Vanongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Bekezela Gumbo, vanotiwo nyonga nyonga iri muZanu PF inogona kupa mukana kune vemapato anopikisa kuti vakunde kudunhu reMashonaland Central.

Kunyangwe zvazvo vemapato anopikisa vane tarisiro yekukunda mudunhu iri, Zanu PF inoti zviroto.

Gurukota redunhu reMashonaland Cetral, Va Martin Dinha, vanoti Zanu PF yakasimba zvakanyanyisa kuMashonaland Central.

VaDinha vanoti havatombotarisiri kuti mapato anopikisa akunde vakati Zanu PF ine mabasa anoonekwa mudunhu iri. VaDinha vanotiwo vanhu vemudunhu iri vari kufarira zvakanyanya hutongi hwaVaEmmerson Mnangagwa.

Pahuwandu hwevakanyoresa kuvhota dunhu reMashonaland Central riri panzvimbo yechinomwe pamatunhu gumi ari munyika.

Muna 2013 vanhu 380, 880 ndivo vakavhota mudunhu reMashonaland Central. Musarudzo yemutungamiri wenyika mugore iri, vanhu 327, 455 vakavhotera VaRobert Mugabe veZanu PF, ukuwo 46, 533 vakavhotera VaMorgan Tsvangirai veMDC-T, uye vanhu 3, 525 vakavhotera VaWelshman Ncube.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG