Accessibility links

Breaking News

Maseneta eMDC-T Oramba Kutsukunyuka paNyaya yeMagavhuna Akadomwa naVaMugabe


Maseneta eMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai anoti achaenderera mberi nekurambidza magavhuna akasharwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari voga kupinda mudare reseneti kusvika bato ravo razovazivisazve nezvemamwe matanho.

Hutungamiri hwebato iri hwanga huchitarisirwa kugara neChitatu kuti huzeye nyaya dzinosanganisirawo kuramwa kwemaseneta aya kushanda nemagavhuna eZanu PF.

NeMuvhuro, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende uye vachitungamirira rimwe bato reMDC, VaAthur Mutambara, vakazivisa kuti dare reseneti raizogara svondo rino sekuwirirana kwakaita vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa pavakasangana nemuyananisi, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, svondo rapera.

Seneti iri kutarisirwa kusangana kuitira kupasisa mabhiri anoti reFinances and Appropriation, ayo anozopa simba kune zvakaturwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamusoro pehurongwa hwebhajeti regore rinouya.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvegwara remusangano muMDC-T, Seneta Morgan Komichi, vaudza Studio7 kuti vachatevera zvakasungwa nebato ravo panyaya iyi.

Zvichakadaro, MDC-T yazivisa kuti imwe nhengo yayo uye vari seneta weHwange, VaJabulani Ndlovu, vashaya mangwanani eChitatu kuchipatara cheMater Dei, kuBulawayo.

Seneta Ndlovu, avo vanga vava nemakore makumi mashanu nerimwe ekuberekwa, uye vari gweta, vanonzi vakapinda mutsaona yemotokari mwedzi wapera izvo zvakazoita kuti vagare muchipatara kusvika vazoshaya.

VaNdlovu vasiya mudzimai nevana vashanu. Hapana zvati zvaziviswa nezvekuradzikwa kwavo.

XS
SM
MD
LG