Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano Anomirira Evarairidzi Anoti Ari Kuzokanda Mapadza Pasi Kana Hurumende Ikasawedzera Mari.


Teachers Zimbabwe
Teachers Zimbabwe

Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti ari kuzokanda mapadza pasi kana hurumende ikasawedzera mari dzavari kutambira sezvo mari dzavari kumabhanga dzisina huremu hwakaenzana nedhora rekuAmerica.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi vari kumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ rinotiwo harisi kufara nemashoko akataurwa negurukota rezvedzidzo muzvinafundo larry mavhima kuvictoria falls kuti varairidzi havasi kuzowedzerwa mari nekuti hurumende yakaomerwawo nezvinhu parizvino. Vamavhima vakataura mashoko aya pamusangano we national association of primary school heads.

Rimwezve sangano revarairidzi re Progressive Teachers Union of Zimbabwe – PTUZ nezuro rakanyorera mapurisa edunhu re Harare tsamba yekuvazivisa kuti vachange vaine kuratidzira musi wa 9 Mbudzi muguta re Harare vachiendesa magwaro avo enyunyuto kumahofisi matatu anoti mizinda yePSMAS, bazi re zvemari nehupfumi uye bazi rinoona nezve vashandi vehurumende.

Pave nenguva yakati rebei varairidzi ne hurumende vaine kukakavadzananenyaya yemari dzinotambirwa nevarairidzi munyika. Mukuru wesangano rePTUZ, Doctor takavafira Zhou vaudza studio 7 kuti panoda mushandirapamwe nevamwe vashandi vehurumende kuti vamanikidze hurumende kuti ivawedzere mari. Mudzidzisi vari munyori wezvemadzimai nekugara kwakanaka kwevanhu musangano re ARTUZ, muzvare Moreblessing Nyambara vanboti varairidzi vari kurwadziwa zvikuru nemamiriro akaita zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG