Accessibility links

Breaking News

Machechi Okurudzira Sarudzo Dzakachena Gore Rinouya


Masangano emubatanidzwa wemachechi anoti reZimbabwe Council of Churches, neZimbabwe Christian Alliances, ari kukurudzira SADC kuti imanikidze vatungamiri vari muhurumende kuti vagadzirise zvichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa nechimbichimbi, kuitira kuti nyika igokwanisa kuita sarudzo dzakachena uye murunyararo gore rinouya.

Mugwaro raakaburitsa, achishanda pamwe nemasangano akazvimirira mapfumbamwe, ayo anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition neZimbabwe Peace Project, masangano aya anoti musangano weSADC uchaitwa kuNamibia muna Nyamavhuvhu gore rino unofanirwa kushandiswa nevatungamiri venyika dziri muSADC semukana wekuti vakurukure zviri kudiwa nevana veZimbabwe, uye kuitwa kwesarudzo gore rinouya.

Vakamirira Zimbabwe Christian Alliance, VaJonah Gokova, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vasisina chivimbo neSADC, vanoona ichine mukana wekumanikidza vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa kuti vagadzirise zvinhu zviri kunetsa nekukasika, kuitira kuti sarudzo dzigozoitwa murunyararo.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamusoro penyaya dzakati wandeyi, idzo dzinosanganisira kusagadzwa kwemubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaGokova vatiwo zvinovarwadza kunzwa vatungamiri vemapato ari muhurumende vachitaura nezvesarudzo dzegore rinouya, asi vasingadi kutaura nezvasarira muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, icho chakaita kuti kuumbwe hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG