Accessibility links

Breaking News

Vanomirira Kodzero dzeVanhu Votsamwiswa neKushungurudzwa Kuri Kuitwa Vanhu


Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nekutyisidzirwa kuri kuitwa nhengo dzavo pamwe neveruzhinji. Masangano aya anoti izvi zviri kuitwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori, kuitira kuti vanhu vasaburitse pfungwa dzavo pachena pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, sachigaro weZimRights, VaOkay Machisa, vati nhengo dzavo dziri kugara dzakashungurudzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

VaMachisa vati hurumende inofanirwa kuchengetedza kodzero dzevanhu vose, uye kusunga vanhu vari kupara mhosva.

Nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu pamwe nekuumbwa kwemabhesi nevechidiki veZANU-PF, dziri kuitika munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari vaimbove Advocacy Officer we Crisis In Zimbabwe Coalition, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti aya mabasa eZANU-PF ekuda kukanganisa kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Muzvare Hlatshwayo vatiwo Zanu PF iri kuda kutyisidzira MDC kuti irambe iri muhurumende, kuitira kuti zvinhu zvifambire Zanu PF mberi.

XS
SM
MD
LG