Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaityora Kodzero Vorongerwa Kusungwa muSouth Africa


Vaityora kodzero dzevanhu muZimbabwe makore apera vanogona kutadza kushanyira South Africa kana dare repamusoro remunyika iyi, rikapa mutongo unomanikidza hofisi yemuchuchisi mukuru wehurumende, kusunga vanhu vanonzi vakatyora kodzero dzevanhu.

Nyaya iyi yanga iri mudare zvichitevera kuramba kwakaita hofisi yemuchuchisi kusunga vanhu ava. Masangano anoti reZimbabwe Exiles Forum, pamwe neSouthern Africa Litigation Centre, ari muSouth Africa, anoti ari kuda kuti vanhu vanopfuura makumi matanhatu vane chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, vasungwe kana vakangotsika muSouth Africa.

Masangano aya ari kuda kuti bazi revachuchisi reNational Prosecution Authority, risunge vanhu ava, avo vanosanganisira vanonzi vakarova zvakaipisisa mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vavo muna Kurume wa2007.

Asi bazi reNational Prosecution Authority rinonzi riri kuramba kusunga vanhu ava. Masangano aya akazokwidza nyaya iyi kudare guru reNorth Gauteng, achida kuti dare iri rimanikidze bazi reNational Prosecution Authority kusunga vanhu ava. Nyaya iyi ichanzwikwa muna Kurume wegore rinouya.

Executive Director veZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti vanhu vaityora kodzero dzevanhu vari kugara vakashanyira kuSouth Africa nguva zhinji nenyaya dzebasa, vamwe vachizvifambirawo pachawo.

Vanhu ava vanonzi vanosanganisira vamwe vakuru vakuru muhurumende. Mazita evanhu ava ari mugwaro rakaendeswa kuhofisi yemuchuchisi muna kurume.

XS
SM
MD
LG